‘Muvheti’ wekuFrance akazhamba mudare

Tafadzwa Mutsotso
MURUME anova chizvarwa chekunyika yeFrance akabongomora kuchema mudare mushure mekunge mudzimai wake amumhan’arira achiti ari ane tsika yekupota achimuhwandira nekumuronda mafambiro ake, pashure pacho omurwisa.

Wias Arizon akaridza mhere mudare reHarare Civil Court apo akange amhan’arirwa nemudzimai wake, Caroline Shumba, uyo aida gwaro rekuti asasvike kumba kwake nemhaka yekuti ari kumushungurudza.

Arizon anoti hazviite kuti arege kusvika kumba kuri kugara Shumba sezvo achida kuona mwana wake. Akabva angoikwetsura mhere.

Shumba anoti Arizon anogara achimurova, kumutuka nekuda kumucheka nebanga.

“Ndakatotiza kubva kumba kwataigara mushure mekunge ndaona kuti baba ava vangangondipfuudza. Zvino ave kuita tsika yekuuya kumba kwangu achiti anoda kuona mwana asi osiya andirova nekurwisa ma’landlord’ avo vanoedza kundinunura,” akadaro Shumba.

Akaenderera mberi achiti: “Kutaura kuno akabva kumba kwake kuHatfield achinditevera kuSunningdle kwandiri kugara. Ava kugara paimba yechitatu kubva pandinogara inini.

“Haadi kundisiya, anoda kugara achindishungurudza. Akaisa tende pamberi pegedhi repamba pandinogara, ndimo maanoswera ari achitaimira kuti ndikangobuda chete, andibate ondirwisa. Ndaneta naye ini murume uyu,” akadaro Shumba.

Arizon, uyo akaudza dare kuti chizvarwa chekunyika yeFrance, anoti mashoko anotaurwa naShumba manyepo uye inzira yekumuvharidzira kuti asatore midziyo nemari yake zvaakatiza nazvo.

“Handimurove ini. Ndiye ega akatiza kumba nemwana nemidziyo zvose nemari yangu.

‘‘Hazviite kuti apihwe gwaro rinondirambidza kusvika kumba kwake. You can’t separate me from my son (Hazviite kuti mundisiyanise nemwana wangu).

“Mwana wangu, muri kuda kuti ndiite sei?” akadaro Arizon achibva atanga kuchema zvine ruzha.

Anoti haana kumbobvira arova Shumba.

“Ndinopika naMwari, mukadzi uyu handina kumbobvira ndamurova. Ari kuda kuti atize nemari yangu,” akadaro Arizon.

Mutongi Yeukai Dzuda akapa Shumba gwaro redziviriro.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *