‘Muzukuru mwana saka tinomudhaya’

Nyasha Bvudzijena

MUZUKURU akapotera kudare achiti ari kuoneswa pfumvu nanasekuru vake avo vanomurova vachida kuti abve pamusha wakasiiwa naamai vake avo vakashaika.

Berry Peisa akamhan’arira sekuru vake Enock Chimbendeswe nemunin’a wake Munyaradzi Chimbendeswe kudare reHarare Civil Court achikumbira gwaro rerunyararo.

Mutongi Noah Gwatidzo akapa Peisa gwaro iri.

Peisa anoti ari kuoneswa ndondo nanasekuru vake.

“Vaviri ava ihanzvadzi dzamai vangu asi mushure mekunge amai vafa, vava kundirwisa vachiti ndibve pamusha wandakasiirwa hanzi ndiende kumusha kwababa vangu zvino ini handikuzive sezvo ndakakura ndichichengetwa kwanasekuru,” anodaro Peisa.

Anoti chishuwo chake ndechekuti pave nerunyararo pakati pake nanasekuru vake kusvika nyaya yavo yatongwa kwamambo wavo yekuti ndiani ane mvumo yekugara pamusha apa sezvo yakatomhan’arwa kare.

Achipawo divi rake, Enock anoti haana kumbobvira adzinga muzukuru wavo pamba asi akangomuranga semwana.

“Isu kwedu muzukuru mwana saka kana atadza kunzwisisa zvatinenge tichiti aite tinomurova kuti apinde mugwara nekuti mvumo yacho tinayo sezvo tisina kusiyana namai vake nyakumubereka,” anodaro Enock.

Munyaradzi anotsinhira zvinotaurwa nemukoma wake achiti, “Nyaya yanetsa chete ndeyekuti Peisa ari kudzinga vamwe vana vemadzikoma ake vakafa pamba achida kugara oga sezvo achiti ndiye bedzi mwana wanyakufa. Saka isu tiri kuzvirambidza, zvakare hatingarege kusvika pamusha wehanzvadzi yedu nekuda kwemwana.”

Mutongi Gwatidzo akakurudzira runyararo pakati paPeisa nemadzisekuru ake achiti vanofanirwa kumirira kusvikira mambo w

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *