Mvura ine dutu nemheni yonaya

Muchaneta Chimuka

MVURA zhinji ine dutu nemheni inotariswa kunaya nyika yose kusvika nemusi weMugovera.

Bazi rinoona nezvemamiriro ekunze, reMeteorogical Services Department (MSD) rakabatana nevechikamu cheDepartment of Civil Protection Unit, rinoyambira – kunyanya vedzimotokari – kuti vangwarire mumigwagwa sezvo nzizi dzichikwanisa kuzara zvekufashukira zvichizokonzera njodzi.

Nzvimbo dzinosanganisira Zvishavane dzakatotanga kunaya mvura ine huwandu hwekudzika pasi kwe16mm svondo rino, Plumtree (9mm) kuchizoti Nkayi (5mm) kusvika neChitatu.

MSD inoti nzvimbo dziri kudunhu reMatabeleland North, Matabeleland South, Midlands, Masvingo neBulawayo dzichawana mwando wakawanda.

Veruzhinji vanokurudzirwa kuti vagare mudzimba uye kuti varegedze katsika kekuhwanda mvura pasi pemiti sezvo izvi zviine njodzi yekurohwa nemheni.

Kana kusiri kunaya uye kuchipisa, vanhu vanokurudzirwa zvekare kuti vanwe mvura yakawanda uye kuti vasagare panzvimbo dzinopisa zvakanyanya.

“Tinokurudzira vanhu kuti vazvidzivirire kuzuva nekuregedza kuita mabasa vari kunze kune zuva rakanyanya. Vafambi tinovayambira kuti varegedze kuyambuka nzizi dzakazara kusanganisira vedzimotokari nekuti pane mikana yekuyeredzwa,” inodaro MSD.

Kusanduka kwemamiriro ekunze uku kunonzi kunogona kukonzera zvakare kuwanda kwehumhutu.

Related Posts

Akazviuraya adyiwa neKandege

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuGokwe, mudunhu reMidlands, akazivisa nezvemurume wechidiki anonzi akazviuraya nekunwa muchetura mushure mekudyiwa mari yebasa nenjuga yeKandege. Kuzivakwashe Gava (22) — uyo aibva kwaSabhuku…

Mwanasikana onetswa nengozi yemutorwa

Kingstone Mapupu MWANASIKANA ane makore 17 weimwe mhuri inobva kwaSabhuku Kufa, kwaMambo Chiduku, kwaRusape, anoti ashungurudzwa nengozi yemutorwa inosvika paari. Tanatswa (kwete zita rake chairo) anoti ngozi inosvika paari iyi…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×