Kingstone Mapupu
MWANASIKANA ane makore 17 weimwe mhuri inobva kwaSabhuku Kufa, kwaMambo Chiduku, kwaRusape, anoti ashungurudzwa nengozi yemutorwa inosvika paari.
Tanatswa (kwete zita rake chairo) anoti ngozi inosvika paari iyi ndeyemunhurume anoti aiva mushandi kudzinza remusikana uyu, uye akafa achiita zvekupondwa.
Tanatswa anoti amai vake vakatizira kune mumwe murume vaine pamuviri pake, kunova kwaakakurira, ndokuzozivikanwa kuti aisava mwana wepamusha uyu mushure mekutanga kubatwa nengozi yakaparwa kudzinza kwake chaiko.
“Amai vangu vanonzi Euvon Mundembe. Vakatizira kune mumwewo murume kwakare kwaRusape, uko ndakanokurira, zvichinzi ndivo vaiva baba vangu. Ngozi inosvika pandiri inotaura kuti mufi ane mweya uyu akapondwa nevanhu vekwaMusakwa, kunonzi ndiko kudzinza rangu,” anodaro Tanatswa.
Anoti ngozi iyi yatanga kubuda, nyaya iyi yakafambirwa, amai vake vakabvuma kuti aisava wemumusha maakakurira umu.
“Ngozi inosvika pandiri iyi ndeyemurume anonzi aishandira mumwe mukuru akambotungamirira chikoro chepaZumbika, kwakare kwaRusape, makore mazhinji adarika,” anodaro Tanatswa.
“Amai vakazvitambira, vakadura kuti ndaiva mwana wekwaMusakwa. Ivowo vandaiti baba, VaClement Gwasira, vakazvitambira zvakare. Ndinotenda zvikuru nekundichengeta kwavakaita.”
Tanatswa anoti ngozi iyi inopota ichimurwarisa nguva nenguva. Inonzi yave kutaura kuti iye zvino yave kuda kumuuraya.
“Ngozi iyi yakatanga kusvika pandiri mumwedzi waChikumi gore rakapera, panova pandakazoziva kuti ndaisava mwana wekwaGwasira asi kuti wekwaMusakwa,” anodaro Tanatswa.
Anoti ngozi iyi inotaura kuti mufi uyu akauraiwa nevarume vatatu vekwaMusakwa.

“Kune vanondiudza mushure mokunge ngozi iyi yasvika kuti inotaura ichiti, ‘Ndini Tafadzwa, ndakauraiwa nevarume vatatu apo ndaishandira headmaster wepachikoro chepaZumbika. Ndinoda kuripwa nemombe nemudzimai sezvo ndaidawo kuzoroora,” anodaro Tanatswa. Musikana uyu anoti ave kuziva baba vake chaivo, vaakataura nezita, asi vari kumuramba.
“Ndakaenda kanokwana kashanu kumba kwababa vangu, kwaMusakwa, uko ndaingodzingwa, ndichinzi handisi mwana weko. Zvisinei, mweya wemunhu akapondwa uyu uri kuburitsa pachena kuti ndiri mwana wekudzinza iri,” anodaro Tanatswa.
Musikana uyu anoti ngozi iyi inonzi yave kutaura kuti yave kuda kumuuraya kana zvairi kuda zvikarega kuitwa.
“Ndinodawo kubatsirwa kuti ngozi iyi ibviswe pandiri nokuti yandishaisa rugare uye handisisina kwandinoti kwangu nokuti kwaGwasira zvakabuda kuti handisi weko uye vekwaMusakwa vari kundiramba. Ndinokumbira kuti dai ndaitwa maDNA tests nevekwaMusakwa kuti vanditambire semwana wavo,” anodaro Tanatswa.
Anoti haazivi kuti ngozi iri kusvika paari ichitaura kuti iye mwana wekwaMusakwa iri kutaura nhema here sezvo vedzinza iri vachimuramba.
“Nokuda kwemweya uri kusvika pandiri uyu, amai vangu vakarambwa kwaGwasira, kunova kwandakakurira, ndokunoroorwa nemumwewo murume, uko vave kugara. Sekumira kwazvakaita, ndiri munhu asina hama, rudzi kana dzinza sezvo ndave kurambwa kwose, kumhuri yekwaGwasira neyekwaMusakwa,” anodaro Tanatswa.
Anoti vemhuri inonzi ndeyedzinza rake vakamutambira anoti anoda kuchinja surname, obvisa yokuti Gwasira, achitora yokuti Musakwa.
Zvakadai, musikana uyu ari kuchengetwa kune imwe mhuri mumusha waSabhuku Gorekore, kwaMambo Chiduku, kwaRusape kwakare. Nyaya iyi inonzi yakambopinda mudare raMambo Chiduku. Yaisanganisira kugadziriswa kwengozi iyi uye kuti mwana uyu awane dzinza rake. Dillon Chipara (27), ane vabereki vari kuchengeta musikana uyu, anoti ngozi iyi inobuda pose pose ichitaura kuti inoda kuripwa. “Musikana uyu ndakawirirana naye ndisingazivi kuti anobudirwa nengozi. Izvozvi ngozi iyi inobuda pose pose ichitaura nezwi rechirume ichiti inoda kuripwa nemombe nemudzimai,” anodaro Chipara.
Amai vaTanatswa, Euvon Mundembe, vachitaurwa navo panhare, vakati dambudziko iri rengozi inosvika pamwana wavo vanoriziva.
“Ichokwadi mwana uyu achiri nhumbu ndakatizira kwaGwasira iye ari wekwaMusakwa. Ngozi ndiyo yakazofumura nyaya iyi, ichiti yaive yagara pamwana uyu sezvo mufi akapondwa nevanhu vekwaMusakwa, zvino vekwaMusakwa vave kumuramba zvakare,” vanodaro Mai Mundembe.
Sabhuku Gorekore, VaJoseph Gorekore (40), avo vanoti nyaya iyi yakambopinda mudare ravo, vakatsinhira nyaya yengozi iyi, vachiti yave nehasha yokuda kuuraya musikana uyu.
“Inyaya yatinoziva kuno. Yakambopinda mudare rangu, tikaedza kushevedza amai vacho asi vakaramba kuuya, vachiti vaive kubasa. Izvozvi mwana uyu haana hama.
“KwaGwasira hakusi kumusha kwake; akangochengetwako chete; kwaMusakwa ndiko kudzinza kwake chaiko asi vari kumuramba. Zvakabuda mudare kuti vekwaMusakwa vari kutandira ngozi iyi kumwana uyu,” vanodaro Sabhuku Gorekore.
Vanoti amai vemwana uyu vakavhara nhare dzevanhu vose kuti vasataurwe navo nokuda kwenyaya iyi.
“Nyaya iyi takazoiendesa kudare raSadunhu Chiduku, uko isina kupera, ikazodarikidzwa kudare raMambo Chiduku zvakare uko inotarisirwa kupinda. Tinoda kuti amai vemwana uyu vauye, tigadzirise nyaya iyi,” vanodaro Sabhuku Gorekore. Gogo Mamoyo, vanova Letwin Manguwo, vekuMayambara, kwaSeke, kuChitungwiza, vanoti ngozi inongoda kuripwa chete, kwete kutandidzirana.




