Mwaka inowanikwa mugore

Ticha Danga

KANA nguva yekunyora bvunzo yoswedera, mazuva anobva aita kunge ari kumhanyiswa uye mumusoro munoita semusina kana chakambodzidzwa zvekuti kurangarira kunova dambudziko guru dzamara tatopinda mukunyora bvunzo racho. Ichi chirwere chinobata vana vechikoro navadzidzisi vavo zvakanyanya.

Kupedza chirwere ichi kuramba munhu achiita dzokorodzo pese paanenge ari. Zviya zvekuti mombe haikorere pamariketi manyepo kunze kwekunge yanga isingafuri pamashure pese yozoda kuzofura musi wekutengeswa. Unogona kutoona zvawakaverenga manheru zvichiuya mubvunzo ukatosekerera.

Pataidai kufamba nenyaya yekutekaira kwenguva, ndakabva ndafunga kuti chiregai tingofambisa ndima ine chekuita nenguva tichitarisa mwaka yegore. Ndinorangarira makore apfuura tiri murugwaro rwechitanhatu tichinzi nemurairidzi tinongedzere chamhembe kana maodzanyemba tichitorasika kuti zvakambomira sei.

Regai ndibva ndajekesa ndisati ndapinda mumwaka yegore nekuti hapana pamwe pandinozokwanisa kuzvipfekera. Maodzanyemba ndiyo (north) muchirungu uye chamhembe ndiyo (south). Kumabvazuva ndiko ku”east” kumavirira kuri ku”west”.

Mwaka yegore muZimbabwe mina inoti Chirimo, Zhizha, Masutso neChando. Zhizha rinogona kunzi Zhezha kana Mainza. Mwaka iyi inobvutidzana mwedzi gumi nemiviri iri mugore zvichienderana nemabasa anobatwa munguva idzodzo. Ndichabata mwaka wega wega ndichiburitsa mwedzi yacho pamwe nemabasa anobatwa mumwaka iwoyo.

Zhizha:

MuZhizha ndimo munobinduka vanhu muminda nekuti ndiyo nguva inotanga kunaya yenhuruka kudzamara vanhu vaibvisa zvirimwa muminda. Nguva iyi inoputira mwedzi mitatu yaMbudzi, Zvita naNdira. Miti, huswa nembesa zvinomera nekudungira. Vanhu vanoteya matuwo ekubata hove uye twukara twunonanaira, twuchizvarana nekuwanda.

MunaNdira munobva mabuda twupuka twunonzi twuNdira utwo twunoonekwa twuchinanaira pamakomo. Panomborova kanzara munaNdira apo matura anenge aziyama ukuwo zvemuminda zvinenge zvisati zvaibva.

Matsutso:

Uyu ndiwo mwaka unofarirwa neruzhinji nekuti mabasa ekusakura uye nzara zvinenge zvapera. Vanhu vanenge voswera vari muminda vachikohwa mbesa vamwewo vachivaka tsapi nendyanga kuti vagowana pekuisa goho. Nzungu nenyimo zvinenge zvichitanhaurwa nekuumburwa zvimwe zvichikwatiswa pamoto zvozodyiwa vanhu vachizorora.

Mumwaka uyu ndimo munoteyewa misungo, kubaya sema kana kunotanda urimbo kumakoto. Kukadzi, Kurume naKubvumbi ndiyo mwedzi iri munaMatsutso.

Chando:

Chando chinobata mwedzi yaChivabvu, Chikumi naChikunguru. Vanhu vanenge vachiri mubishi rekukohwa apo vanenge vachicheka zviyo, mupunga, mhunga nemapfunde. Mvura iya yemadziurachando inonaya.

Chirimo:

Muchirimo vanhu vanenge vopura nekurongedza zvirimwa mumatura. Ndiyo nguva inorohwa makuva vanhu vachishanyirana nekutamba ngoma dzemafaro. Mvura yegukurahundi nebumharutsva inonaya.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *