Mwana (11) akaponda mwana (5)

Kingstone Mapupu

MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMutorashanga, kuMashonaland West, ari kuferefeta nyaya inosuwisa yemwana wemakore gumi nerimwe chete okuberekwa uyo anonzi akatema mumwe wake wemakore mashanu nedemo akafa mushure mekunge vakakavadzana pamusoro pemichero iyo vaida kudya.

Mutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commisioner Paul Nyathi, vanotsinhira nyaya iyi.

“Tine nyaya yatiri kuferefeta yakaitika kuMutorashanga svondo rapera apo vana vaviri vanoti mukuru wemakore gumi nerimwe chete nemudiki wemakore mashanu vanonzi vaitamba ndokuzotanga kukakavadzana nekuda kwemichero iyo vaida kudya. Mwana mukuru anonzi akazotora demo ndokutema mudiki katatu zvakaipisisa munzvimbo dzakasiyana, mwana uya ndokuzofa musi uyu nekuda kwemaronda,” vanodaro Ast Comm Nyathi.

“Ikurudziro yedu semapurisa, kuti vabereki vasapote vachiratidza vana vavo tsika yekurwisana kana kushatirisana.”

Ast Comm Nyathi vanoti vabereki zvakare havafanire kuratidza vana mafirimu anenge aine mhirizhonga sezvo vamwe vanogona kuzoda kutevedzera zvavanenge vachiona mumafirimu aya.

“Vabereki kana vana vachitamba ngationei kuti havana here zvombo zvinokuvadza padyo navo uyewo tovadzidzisa hunhu hwakanaka hune runyararo mukati,” vanodaro.

Pakuenda kunodhindwa kwebepanhau rino, mutumbi wemwana uyu wakanga usati waradzikwa uchimirira kuongororwa nemachiremba.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *