‘Mwana wose kuchikoro’

MAMBO Nyamukoho, VaSamson Katsande vekwaMutoko, vanoti vabereki vanofanira kukoshesa dzidzo yevana vavo sezvo iri iyo nhaka yeupenyu hwavo.

Vachitaura pachikoro cheChifamba High School, kuMudzi svondo rapera, vakati vamwe vana vemudunhu ravo vari kusarira shure zvikuru nekuda kwekushaya dzidzo.

Vanoti vamwe vabereki vari kukundikana kuendesa vana kuchikoro izvo zvinokanganisa remangwana ravo.

“Vanhu vemuno muMudzi vakasarira shure uye kushaya dzidzo kunovadzorera kumashure, izvo zvinopisa tsitsi. Handidi kuona zvichienda kuvana, saka handidi kunzwa kuti pane mwana ari kuswera achifudza mbudzi kana mombe iye achifanirwa kunge ari kuchikoro.

“Mubereki wose anozviti haana mari yekuendesa mwana wake kuchikoro ndinomupa mabasa ekuita kana kuvatsvagira mabhindauko ndichivabhadhara mari yacho voendesa vana vavo kuchikoro.

“Wandinenge ndabhadhara akasaendesa mwana wake kuchikoro tinobva taziva kuti uyu haadi kuti mwana wake adzidze,” vakadaro Mambo Nyamukoho.

Mambo ava vanoti vari kubhadharira vana vakawanda vemudunhu ravo mari dzechikoro uye vane hurongwa hwekuvakisa yunivhesiti mudunhu reMutoko munguva inotevera.

 

Related Posts

Hadebe ovimbisa kuita zvinorova mumwaka mutsva weMLS

Blessing Malinganiza MUTAMBI wekumashure wechikwata chenyika chemaWarriors, Teenage Hadebe, anoti ari kutarisira kuratidza unyanzvi hunoendeka mumwaka mutsva weMajor League Soccer (MLS), uwo wakatanga pakupera kwesvondo radarika. Mutambi uyu, uyo ane…

Chiragwi hapana kwaari kuenda: Jere

Tadious Manyepo MURAIRIDZI weCAPS United, Takesure Chiragwi, haasi kuzodzingwa basa kunyangwe akatadza kuhwinha mukombe weligi mwaka uno. Chibvumirano chekondirakiti yake chinoda kuti chikwata ichi chipedze chiri pakati pezvina zvinenge zviri…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×