Lovemore Dube
BENJANI MWARUWARI pari zvino ari mudenga rechinonwe.
Svondo rapera akapihwa motokari itsva neUS$10 000 kubva kune mukotsveri weHighlanders, muzvinabhizimusi Wicknell Chivayo.
Iye zvino ari kufanira kubhadharwa US$570 000 nechikwata cheNgezi Platinum Stars zvichitevera kumudzinga kwachakamuita semurairidzi zvisiri pemutemo nguva yadarika.
Court of Arbitration for Sport (CAS) yakarasa chikumbiro cheNgezi Platinum chokuti mutongo wakange wapihwa panyaya iyi payakatongwa nematare epasi usendekwe parutivi.
Mutongo wokuti Mwaruwari abhadharwe mari iyi wakapihwa nomusi wa23 Kukadzi 2026 uye une nhamba dzinoti CAS 2025/A/11286, uchisimbaradza zvakare mutongo waive wapihwa neFIFA Players Status Chamber wokuti akadzingwa basa zvisiri pamutemo, nokudaro anofanirwa kubhadharwa mari.
Mutongo uwu unosanganisira kubhadharwa kwemari yakatutsirwa (interest) nechikamu che5 percent pagore kubva musi wa14 Kurume 2024 kusvikira mari iyi yose yabhadharwa, nekubhadharwa kwemari yakashandiswa naMwaruwari kumatare paitongwa nyaya iyi.
Mumiriri waMwaruwari, Ndabezinhle Nyathi, weTouchwood Intermediaries Oy, anoti mutongo uwu wajekesa zvose zvange zvisina kujeka.
“Wapedzisa nyaya iyi,” anodaro
“Matare maviri epasi rose pari zvino apa mutongo wakafanana. Zvinhu zvose zvajeka,” anodaro Nyathi, achitaura ari kuFinland kwaanogara.
CAS ndiro dare repamusorosoro rinotonga nyaya dzezvemitambo pasi rose.
Mutongo uwu uri kuwedzera pane wakapihwa panyaya yaBongani Mafu, uyo akanzi anofanirwa kubhadharwa zvakare US$196 000 gore rapera.
Ngezi Platinum yaive yapikisa mutongo uwu, ichiti FIFA haina masimba ekutonga nyaya dzerudzi urwu.
Andrew Mercer, wekuUnited Kingdom, uyo akaongorora mutongo waive wapihwa pakutanga, akarasa chikumbiro ichi, achiti Ngezi Platinum haina kukwanisa kupikisana nezvaitaurwa neFIFA panguva yaitongwa nyaya iyi nesangano iri.
Nyathi anoti haana kushamisika nemutongo wakapihwa uwu sezvo Ngezi Platinum Stars isina kutora mukana wekupikisa zvaitaurwa neFIFA paitongwa nyaya iyi, asi yakazongomhanya kuikwidza kumatare ari kumusoro.
Ngezi yaive yakamirirwa naLyrique Du Plessis pamwe cheate naEben Koen, vekambani yeBDP Attorneys, yekuCape Town.
Nyathi anowedzera achiti: “Mapoka ose ose ane kodzero dzekukwidza nyaya dzawo kumatare ekumusoro kana asina kufadzwa nemutongo unenge wapihwa. Zvakakosha pari zvino ndezvokuti chii chichaitika munguva iri kutevera.”
Mutongo unenge wapihwa neCAS ndiwo wokupedzisira uye unofanirwa kutevedzerwa.
Pasi pemitemo yeFIFA, mutongo unenge wapihwa wekubhadharwa kwemari unofanirwa kutevedzwa nemazvo.
Kana mutongo uwu usina kutevedzwa, panotorwa matanho akafanira, ayo anosanganisira kutemerwa zvirango zvokuti zvikwata hazvikwanisi kunyoreswa zviri pamutemo uye kutenga kana kutengesa vatambi.
Paakabvunzwa nezvemamiriro enyaya iyi, mukushi wemashoko kuNgezi Platinum Stars, Roberta Katunga, akati Zimpapers Sports Hub itumire mibvunzo kwaari, asi haana kunge aipindura kusvika panguva yakaburitswa nyaya ino.



