Nac yorwisa gomarara remuchibereko kumaruwa

Tadiwa Nyatanga-Pfupa

MARINGE nedingindira ra2018/2019 rinoti “Ziva Paumire” iro rinokurudzira vanhu kuziva pavamire pazvirwere zvinoti HIV, gomarara, shuga nenjovhera dzakasiyana, sangano reNational AIDS Council (NAC) nguva yadarika rakapa michina 16 inoongorora chirwere chegomarara remuchibereko iyo ichashandiswa nezvipatara zviri kumaruwa kumativi mana enyika.

Michina iyi yakatengwa nemari yakaunganidzwa kubva kumutambo wegorofu wakaitwa makore adarika.

Michina iyi yakagamuchirwa nemudzimai wemutungamiriri wenyika First Lady Amai Auxillia Mnangagwa avo vanove Ambassador wezvehutano nekurerwa kwakanaka kwevana.

NAC yakapihwa basa negurukota rezveutano nekurerwa kwakanaka kwevana, Dr Obadiah Moyo, rekuti chirwere chegomarara chive muhurongwa hwayo hwekurwisa HIV sezvo 60 percent yenyaya dzegomarara dzinofambidzana neHIV.

Sangano iri rave kutotanga kuita zvirongwa zvekupa chenjedzo kuvanhu uye nekutsvaga nemishonga.

Vachitaura pagungano rekugamuchidzwa kwemichina iyi nguva yadarika muguta reHarare, Amai Mnangagwa vakarumbidza NAC nezvirongwa zvairi kuita mukubatsira kurwisa gomarara pamwechete neHIV.

“Mutsvakurudzo dzinoitwa zvinoonekwa kuti nhau dzegomarara dziri kuwedzera gore negore uye gomarara rechibereko ndiro rine chikamu che35 percent pane mamwe ese. Pamusoro pegomarara rechibereko, madzimai vari kubatwa zvakare negomarara rezamu, Kaposi sarcoma nezvimwe,” vanodaro.

Zvipatara zvekumaruwa zvizhinji hazvinai michina yekuvheka zvirwere zvakasiyana izvo zvinoita kuti madzimai afambe nzendo ndefu vachida rubatsiro.

Madzimai akawanda havadi kufamba nzendo ndefu idzi uye vamwe vanoshaya mari zvinoita kuti vakundikane kunovhenekwa zvirwere zvakadai segomarara.

Amai Mnangagwa vanoti zvakakosha kuti chirwere chegomarara chivhekwe nguva ichiripo kuitira kuti chikwanise kurapika. Vanoti vanorumbidza zvikuru NAC nebasa guru rairi kuita mukurwisa gomarara.

Vachitaurawo pagungano iri, Dr Moyo vanoti vanotenda NAC nemutambo wegorofu wakaunganidza mari iyo yakazoshandiswa kutenga michina iyi.

“Apo tichitenda izvi, tinoda zvimwe zvirongwa zvinobatsira kuwedzera homwe iyi kuti tirwise gomarara nezvimwe zvirwere,” vanodaro.

Michina iyi yeTruscreen ichabatsirana nemimwe yagara iripo munyika uye ine mabasa akawanda ainogona kuita anosanganisira kuvheneka ichiongorora hutano hwemwoyo nezvimwe.

Michina iyi yakatengwa nerubatsiro rwakabva kuNew Avakash, Medirte Distribution, PSMI, FBC, Agribank, CBZ, POSB neSouthern Skies.

NAC yange ichitsigira kutengwa kwemidziyo yakasiyana yekuvheveka gomarara uye nemishonga nemari inodarika US$$1 miriyoni pagore kwemakore mana adarika.

Sangano iri rakatengawo muchina weMammogram unokosha US$500 000 wekuvheneka gomarara remuzamu ndokupa kuchipatara cheMpilo Hospital kuBulawayo kuti ubatsire mukupedza matambudziko ange achisanganikwa nawo nemadzimai vekudunhu iri.

Mutambo wegorofu wegore rino uchaitwa musi wa16 na17 Gumiguru 2019 kuChapman Golf Club muHarare.

Vatambi kana makambani angade kuzokwikwidza mumutambo uyu vanokwanisa kunzwa zvizere kubva kuNAC.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *