Navas okunya dzisimbe

KEYLOR Navas anoti ari kushanda nesimba kuti ramangwana rake kuReal Madrid ringe rakajeka zvichitevera mashoko ekuti chikwata chake chekuSpain ichi chinoda kutenga David de Gea kana kuti Thibaut Courtois.

Kunyangwe zvichizivikana kuti Zinedine Zidane ari kutsvaga mubati mutsva wepagedhi weReal Madrid – shasha dzemuEurope idzi idzo dziri kutungamira muLa Liga – Navas haasi kuteerera mashoko aya.

Chizvarwa chekuCosta Rica ichi chakatamba mumutambo wakahwinwa nechikwata chake 3-1 apo chakakunda Osasuna nemusi weMugovera. – Daily Mail Football

 

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *