Ndapona: Mukadzi wekudya chevakuru

MUKADZI wekwaChikwaka, kuGoromonzi – uyo akaita mashura apo anonzi akaedza kudya mwana wake kasvava kaainge achangobva kusununguka, asi ndokuzopedzera nhomba yake pakudya chevakuru chake nekunanzva ropa rose raaive abuda pakuzvara – akazobuda muchipatara umo akange aenda mushure mechiitiko ichi.

Adelaide Kapesi (36) wemubhuku raNgazimbi, kwaSadunhu Musonza, nguva yadarika akapihwa mubhedha muchipatara cheParirenyatwa Group of Hospitals, muHarare, umo airapwa mushure mekusununguka mwana waanonzi akapotsa adya ndokutozodziviswa nevaivapo.

Kwayedza haina kukwanisa kuziva kuti mudzimai uyu airwara nei apo aive muchipatara naambuya vake – Mbuya Euvon Kapesi (70) – vanove amai vababa vake.

Nemusi weChitatu svondo rino, Adelaide akatsinhira kuti akaburitswa muchipatara.

“Ndakabuda muchipatara, izvozvi ndiri kumusha kwedu kwaGororo, kuno kwaRusike. Mwana ari ‘right’, ini ndini ndinozongoda kutariswa chete nanachiremba ndichidzokera kumusha,” anodaro.

Anoenderera mberi achiti: “Ndakaenda kumusha kuti vakuru vamboona kuti dambudziko rinotaurwa iri, rekuti ndaida kudya mwana nekuzodya chevakuru changu nekunanzva ropa randaiva ndaburitsa pakusununguka, zvakabva kupi,” anodaro Adelaide.

Adelaide mudzimai waFanuel Purazi (36) uye mwana wavo ndewe kutanga.

Mudzimai uyu akasunungutswa naMbuya Julai Manyanyi (63) pamwe chete naMai Colleta Nyoni (63) avo vakaona mashura aya apo akadya chevakuru chake pamwe nekunanzva ropa raaive abuda pakusununguka.

Fanuel nehanzvadzi yake – Docus Purazi (41) – vanoti vakamirira kuti mudzimai uyu abatsirwe ozodzoka zvake mumusha mavo.

“Hongu, muroora wangu akaenda kumusha kwake uko ari kubatsirwa pachivanhu. Takangomirira kuti aite zvakanaka ozodzoka mumusha,” akadaro Docus.

Mashoko ake akatsigirwa naFanuel.

Sadunhu Musonza, VaKufandada Musonza, vanoti nyaya iyi haisati yauya mudare ravo sezvo nguva yadarika vakanga vavimbisa kuti vaizoda kushevedza sabhuku wemusha waNgazimbi nevekumhuri yakaroorwa Adelaide kuti vanzwe mafambiro akaita nyaya iyi.

“Havasati vauya kudare vanhu ava. Tine zvatiri kugadzirisa uyewo tinoda kuti mudzimai uyu atange aita zvakanaka sezvo achinzi akazorwara mushure mekudya ropa nechevakuru chake,” vanodaro Sadunhu Musonza.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *