Ndivo 3 vakadziya (1980 – 2016)

Japhet Muparutsa
Japhet Muparutsa

POSE panotaurwa nezvevatambi venhabvu vakaita mukurumbira muZimbabwe Premier Soccer League, mazita akaita saGeorge “Mastermind” Shaya, Sunday Chidzambwa, Shackman Tauro, Moses Chunga, Stanford “Stix” Mutizwa naPeter Ndlovu ndiwo anotanga kutaurwa nevatsigiri vemutambo uyu.

Svondo rino Kwayedza yakaita tsvakurudzo yekuda kuona kuti ndevapi vatambi VATATU vakatamba nhabvu zvinonwisa mvura, kudarika vamwe, kubvira mugore ra1980 kusvika pari zvino.

Muhurukuro nevaongorori vemutambo uyo nevamwe vaimbove vatambi vane mukurumbira, zvinoratidza kuti hazvisi nyore kuti munhu ange achidoma vatambi vatatu chete vanganzi ndivo vakaita mukurumbira kubvira apo Zimbabwe yakawana kuzvitonga kuzere.

Vaverengi munogonawo kutipa venyu vatatu kana musingawirirane nevatakapihwa.

Nyanzvi pakuongorora nhabvu, Charles “CNN” Mabika, anoti muZimbabwe makabikwa vatambi vakawanda vanogona uye kuti ataure vatatu chete hazvizi nyore.

Anoti vatatu vaanofunga kuti ndivo shasha ndiMoses Chunga, Peter Ndlovu naJaphet “Short-Cat” Muparutsa.

JAPHET MUPARUTSA:

“Muparutsa yaive katsi pagedhi achibatira Dynamos uye ndiye anoonekwa nevazhinji semubati wepagedhi akatamba kudarika vamwe. Short-Cat akazobva kuDeMbare akazotambira Black Rjinos.”

Moses Chunga
Moses Chunga

MOSES CHUNGA:

Razorman kana kuti Bambo, semazita emadunhurirwa aChunga, mumwe wevatambi vanorumbidzwa zvikuru avo vanonzi ndivo vakatamba nhabvu yaidakadza muPSL.

“Chunga akanyora nhoroondo mugore ra1986 apo akanwisa ka46 mumitambo yePSL achitambira DeMbare ndokubva atora mubairo weSoccer Star of the Year.

“Bambo akazoita mutambi wekutanga muZimbabwe yakasununguka kubva muno achinotambira kuEurope.”

PETER NDLOVUPETER “SUNKUZONKE” NDLOVU:

“Muchinda iyeyu kuEngland vaimuziva saThe Fly Elephant nekuti aisuka zvekuti vatambi veshure vaidhumana misoro vanzvengwa.”

Peter akazvarirwa mumhuri izere nevatambi venhabvu vanosanganisira vakomana vake Madinda nemushakabvu Adam.

“Peter ndiye akava wekutanga kutungamirirwa maWarriors kumitambo yeAfcon apo Zimbabwe yakabudirira kuenda kekutanga kuTunisia mugore ra2004.”

Mabika anoti vamwe vatambi vakaita saKnowledge Musona, Bruce Grobblear naMutizwa vanofanirwa kutaurwa nezvavo sezvo vakatamba nhabvu inonwisa mvura kubva 1980.

* * *

Masimba Dinyero, uyo anove mumwe mutambi akambonetsa zvikuru achitambira Dynamos FC pamwe nemaWarriors, anoti zvinomuremera kuti ataure mazita evatambi vatatu chete sezvo achiti vakawanda vakatamba nevachiri kutamba nhabvu inodadisa.

Anoti vatambi vakaita saDavid Mandigora uyo akaita Soccer Star of the Year 1980, mushakabvu Joel Shambo naMutizwa aivayemura zvikuru.

DAVID MANDIGORA:

“Mandigora akatambira Dynamos FC umo maakakurira kusvika ave muchikwata chevakuru. Shasha iyi ndiyo yakaita mutambi wekutanga kutora mubairo weSoccer Star of the Year mugore ra1980. KuDeMbare, Yogi akahwina mikombe yakawanda uye akazorairidza chikwata ichi zvakare.

STANFORD MUTIZWA naJOEL SHAMBO:

“Vatambi vaviri ava vakatambira CAPS United panguva imwe chete asi vakakundikana kuhwina mukombe wePSL.

“Matambiro aShambo naStix vari pamwe chete, akanga asina kumira zvakanaka. Ndizvo zvataiendera kunhandare kunovaona vachitamba.

“Vanhu vaitoita kumukira kuenda kunhandare uye kuchizara.”

* * *

Shasha pakutsigira nhabvu uye ari mumwe wevaongorori vemutambo uyu, Chris “Romario” Musekiwa, anoti anopa sando dzake kuvatambi vanoti Moses Chunga, Peter Ndlovu naMemory Mucherahowa.

“Mucherahowa yaive simbi yebasa uye DeMbare payainge zvinhu zvakaiomera, muchinda uyu aisimudza chikwata.”

Mucherahowa akahwina mubairo weSoccer Star of the Year mugore ra1994 uye ndiye aive kaputeni apo DeMbare yakapinda mufainari yeChampions League mugore ra1998.

  • Vaverengi, tipei venyu vatambi vatatu bedzi vamunoti ndivo “vakadziya” kudarika vamwe panhamba dzinoti: 0714 200 007.

Related Posts

Zemura oshaya hope nekusabudirira kuAFCON

Tadious Manyepo MUTAMBI wekumashure wechikwata chemaWarriors, Jordan Zemura, anoti haanzwisisi kuti sei Zimbabwe isati yambotamba zvekudarika magroup stage kuAfrica Cup of Nations (AFCON). Chikwata chenyika ichi chatamba katanhatu, ndokukundikana kuenderera…

Murume (32) aponda mudzimai nehuni nekuda kweshanje

Kingstone Mapupu MURUME wekupurazi reSandwich kwaMambo Bunina, kuLower Gweru anonzi akaponda mudzimai wake nekumurova nechitsiga chehuni mushure mekunetsana achimupomera kuita gumbo mumba gumbo panze. Izvi zvinonzi zvakaitika nemusi wa26 Chivabvu…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×