Ndopa vamwe mukana: Loga

Abel Ndooka

MURAIRIDZI wechikwata chenhabvu chenyika cheZimbabwe Warriors — Zdravko “Loga” Logarusic — anoti anoda kushandisa mitambo yeCosafa Cup kupa vatambi vakawanda mukana apo achiri kuvaka chikwata chake icho chichazomirira nyika pakurwira tikiti rekuenda kuQatar 2022 World Cup.

Loga pari zvino ari kushanda nevatambi vanosvika 25 apo vari kugadzirira kuenda kuSouth Africa kunorwira mukombe weCosafa Cup uyo uchatanga svondo rinotevera kunhandare yeNelson Mandela Bay, kuEastern Cape.

Achitaura svondo rino neKwayedza, Loga anoti chishuvo chake ndechekupa mukana kuvatambi vakawanda kuti vatambire maWarriors apo achange achiongorora vatambi ivava achiona kuti ndevapi vanokodzera kupinda muchikwata chichatanga kurwira tikiti rekuenda kuWorld Cup.

“Tine vatambi vakawanda chaizvo uye tinoda kuti mutambi wose awane mukana wekumirira nyika yake, saka tiri kusarudza vatambi vakasiyana kuti vauye.

“Mutambo weCosafa Cup tichaushandisha kuumba chikwata chedu chatichasarudza icho chichatanga kurwira kuenda kumitambo yeWorld Cup iyo tichatanga kutamba munguva inotevera.
“Chikwata chedu chichange chakasangana vatambi vanotambira kunze kwenyika nevamwe vanotambira nhabvu yavo muno,” akadaro Loga.

Chizvarwa chekuCroatia ichi chinoti vatambi vakaita saOvidy Karuru, Evans Rusike naKnox Mutizwa akavashevedza kuti vapinde muchikwata cheCosafa nekuti anovakoshesa uye anoda kuti vatambe mitambo yakawanda kuitira kuti vagoonekwa nezvikwata zvakasiyana sezvo mwaka wadarik vasina kunyatsotamba kuzvikwata zvavo.

“Ovidy haana chikwata chaari kutambira iye zvino, saka tinomuda chaizvo muchikwata chedu uye pose patinomushevedza anouya achitamba nhabvu yepamusoro. Tiri kuda kuti ange achiita gadziriro dzake tinaye kuti asaite ngura. “Kozoti Knox naRusike havana kunyatsotamba sezvataitarisira, ndevamwe vatambi vatinoda chaizvo saka tinoda kuvapa nguva yekutamba kuti kuitira kuti vagare vakagwinya.”

Kumutambo weCosafa Cup, maWarriors akaiswa muboka rine zvimwe zvikwata zvinoti Senegal, Mozambique neNamibia uye mutambo wavo wekutanga uriko svondo rinouya apo vachasangana neMozambique.

Related Posts

Hama dzemurume akatsikwa nemotokari akafa dzotsvagwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMasvingo vari kutsvaga hama dzemurume akatsikwa nemotokari akafa uyo ane mutumbi wakachengetwa kumochari yeko. Mutumbi uyu ndewe murume akatsikwa nemotokari mumugwagwa weHarare-Masvingo pachinhambwe…

Nhengo dzemuviri wemunhu dzawanikwa mudumbu regarwe mushure memazuva 22

Rutendo Nyeve NHENGO dzemuviri wemurume akaurayiwa negarwe padhamu reMpopoma, kuMatobo nemusi wa1 Chivabvu dzakazoonekwa dziri mudumbu rengwena iyi mushure mekunge yavhiiwa kwapera mavhiki anodarika matatu. Izvi zvakaziviswa neveZimbabwe Parks and…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×