‘Nemuzukuru hatife takarambana’

MUZUKURU wekuzvuvira ambuya vemurume wake kudare achiti vanomushungurudza nekudanana nemurume wake akashaya remuromo apo vakati havambofa vakamuramba.
Angela Sande akamhan’arira ambuya vemurume wake, Jessy Mateyo, kuHarare Civil Court achiti anzwa nekushungurudzwa navo nenyaya yekuti vari kuda kutouya kuzogara nemurume wake pamba.

“Changamire, amai ava vari kuda kuita makunakuna nemurume wangu zviri pachena-chena asi ndiambuya vake.

Vanotouya kumba kwangu kuzonditukirira kuti ‘ndinoda kukubvisa pano ndisare ini ndigare iwe waenda kumusha kwako’. Handizivi kuti vashaya vamwe vekudanana navo here,” akadaro Sande.

“Ndikasangana navo chero munzira vanonditukirira kunge ndini ndavatadzira asi vari ivo vari kuda kundiputsira imba yangu. Dai vasiri munhu wehukama ndaiti zvimwe zvinowanikwa, manje ihama inotofanira kuvakiridza musha wangu.”

Mateyo akaudza dare kuti haasi kuzorambana nemuzukuru wake uyu.

“Ndiri kunyeperwa changamire, kuti ndinomutuka nekumushungurudza asi kuti ari kurwadziwa nerudo rwangu nemurume wake. Hongu murume wake asika hapana chinomutadzisa kuita mumwe mukadzi nekuti havana kuchata.

Murume wake ndiye akandida ndikamudawo saka mhosva ndeipi ipapa?” akadaro Mateyo.

“Zvekuti ndine hukama naye haisi nyaya, ndodanana nemuzukuru wangu saka? Haasi makunakuna aya ingogamuchira kuti ndozviripo. Ini handikwanise kumuramba, ndomuda, ungatoudza murume wacho kuti andirambe ndokunge achida.”

Mutongi Tafadzwa Muvhami akapa gwaro redziviriro kuna Sande asi akati aisakwanisa kuti arambidze vaviri ava kudanana.

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×