Nhango dzapadare

Munyaradzi Gunduza

9. TSANANGURA rayiro dzinobuda munhetembo dzenhango dzepadare. [25]

Cherechedzo: Mudzidzi ngaanyore nhanganyaya inotsanangura nhango dzepadare.

Ngaape pfungwa sere kana kudarika dzakatsigirwa netsananguro dzinobva munhetembo dzacho. Mudzidzi ngaasashandisa nhetembo imwe chete kanodarika kaviri.

Muroyi haana mugoni, haanei nokuti wamunatsira kana kumutadzira anongokuroya zvakadaro sepanonzi, “Ukamupa wafa – umunyime wafa” mudetembo rinonzi, Muvengi muroyi.

Shanje dzakaipa sepanonzi, “Vakaipa vanofanana nevaroyi

Vane shanje nepfini mumwoyo yavo.”

Pfambi dzinoparadza upenyu hwevanhurume sepanonzi, “Pfambi haitsvagi kuwanikwa,

Chayo kukugura mabvi wakatarisa” mudetembo rinonzi Pfambi haidyi chebamba.

Kugona kupanda nyaya padare raShe sezviri mudetembo rinonzi, Kupanda nyaya.

Munhu ngaasarasa tsika dzake nokutoredzera dzevamwe vasiri verudzi rumwe naye sezviri kuita vana vemazuva ano vava kutoredzera zveChiRungu vachirasa tsika namagariro avo eChiShona mudetembo rinonzi, Nondo mumbizi sepanonzi, “Mwoyo yavana yapepetwa neChiRungu,

Ugo nounomwe hwetsika dzamadzibaba edu

Hazvichina nzvimbo muhana dzavo” uyezve pamwe panonzi, “Tsika dzamagariro edu dzadzama samadora

Nemhaka yokushaya achadzicheuka.”

Kuchenjerera njodzi muupenyu semudetembo rinonzi, Charehwa ibembera panonzi, “Hapana chisingaurayi

Demo rinotema,

Pfumo rinobaya

Banga rinocheka

Tsvimbo inorova

Mbodza inozvimbira.”

Kugona kubata imba kwemusikana achangoroorwa. Raviro mudetembo rinonzi, Kuraya anorayirwa kuti asaite ruchiva nokuti aroorwa, achigutsikana nemurume wake mumwe iyeye panonzi, “Zvamesomeso ibva wasvipira pasi,

Zvoumhandara nhasi zvakuva samazhanje” Anorayirwawo kuti ave neutsanana uye kuti asiyane namakuhwa nokuti anoputsa musha panonzi, “Ufende siyana nahwo” uye panonzi, “Guhwa regera, imhunzamusha” Anorayirwawo kuti ateerere murume, kwete kuenzana masimba nomurume mumba.

Cherechedzo: Tambanudzai mhinduro iyi muchipa dzimwe pfungwa dzinobuda munhango idzi semaonero enyu.

Apa ndipo paperera bhuku rino. Tinotanga rimwe svondo rinotevera.

Related Posts

Varume vana vasungwa nemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMidlands akazivisa nezvekusungwa kwevarume vana nokuda kwemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa. Inspector Emmanuel Mahoko, vanove mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, vanoti varume ava vakasungwa mushure…

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×