O-LEVEL — NDIKO KUSASANA: Mai Sarudzai vanoviga mari pasi pekapeti

CHITSAUKO 2 (Nyaya yacho: Enderero mberi)
Panodzokera mai Sarudzai kumba vanenge vadzidza zvakawanda, vava kuda zvino kuti zvavaive vadzidza zvaizofamba sei. Vanosvika pamba zuva rava kunyura ndokuona pasina munhu. Vainge vasiya makii kwaChipunza sezvo vaifungira kuti mai Sarudzai vaizokurumidza kudzoka.

Vanovhura musiwo kwava kumhanyira paigara mari hana yavo ichirova, kwava kuvhura sefa zvinyoronyoro. Munhu anopinza ruwoko, kwava kutora madhora makumi mana ayo vanoviga pasi pekapeti nechepasi pemubhedha. Kuti vadzikamise hana yavo vanodaidza vana vavo vaitamba kugedhi kwava kuvagezesa, munhu ndokuzorwisana nemapoto achimirira kuuya kwemurume wake.

ONGORORO:

Tinonakidzwa nekushandiswa kunoitwa tsumo muchitsauko ichi. Yatinotanga kusangana nayo ndeiyo inodomwa naFadza apo ari kupa mwana wehanzvadzi yake mazano maererano neupenyu.

Vakambogara nemurume vakaona kuti murume anogona kushandisa mukadzi achiri kumuda, kana asisamude achembera omunakurira uko kunge pepa retissue rashandiswa kupukutiswa dzihwa, saka achiti “. . . takabva neko kumhunga hakuna ipwa” (24).

Mai Sarudzai vanotove zvavo nemurume anouya nedzamatsama remari iro anosvikokushira musefa make kwava kuzoendesa mari iyi yose kubhanga panopera mwedzi. Zvino ndipo paanorega madzamatsama ose aya achionera mumba kwava kutadza kurega kunokorawo mari yaanogona kuviga ochengetedza. Ndokusaka Fadza achidoma tsumo achitii, “Inga mapudzi anowira kusina hari chokwadi” (25).

Nyaya yekuchengeta mari iyi inoda kuitwa chiriporipotyo kwete kuti ndichazoti. Pfungwa iyi Fadza anoitsigira achidoma tsumo yokuti, “Chinono chinengwe bere rakadya richifamba”(27).

Izwi rinenge rataurwa rinotonamira muhana yemunhu. Akada kuedza zvake kurinakurira kwakadaro uko asi harizombofa rakabva muhana. Zvainge zvataurwa naFadza zvainge zvadzika midzi muhana make saka munyori achizodoma tsumo achiti, “Shoko harivhikwi, vakuru vanodaro” (27).

Dzokororo tinoiona ichishandiswa yedimikira iro rinoreva kuti munhu asina nechainacho izvi tinozviona zvichiitika pamapeji anoti 21 ne 22. Papeji yatanga kudomwa Fadza achitaura kuti Mugadzi munhu uyo mai Sarudzai vakawana asina nechinhu kana kuti “iri tsuro” papeji yadomwa kepiri tinonzwazve Fadza achidzokorora pfungwa imwe chete achiti mai Sarudzai vanogona kuzorambwa naMugadzi vasina nechinhu kana kuti “uri tsuro kudai . . .”

Kumwe kudimikira tinokuona maererano nezvakaitwa nemurume wechiMalawi uyo aimbenge ari murume waFadza apo ainge avhundutsirwa nezvikomba zvaFadza izvo zvaida kumuponda. Murume akaonekwa “angopeta muswe” (14).

Fadza wacho zvekuchena izvi aizvigona sezvo “Mvura yakagara yakatambira pamuviri wavo” (15) zvekuti varume vaya vasingatani kutorwa mwoyo nezvinoyevedza “vaigara vakagerwa naFadza” (15).

Kuzotiwo madzimai aiuya pamba pake achiti tatorerwa varume vaiudzwa kuti vachengete varume vavo kana kuti “vasungirire varume wavo” (15).

Panosvika mai Sarudzai pamba apa vanowana pane jahwi rehwahwa sezvo magirazi edoro “aive akaita kurasa muswe” (15). Pamba apa paiuya vanhu vakawanda izvo zvinonzi “Pamba apa paigara vanhu vari mavhu nemarara” (14).

Related Posts

Hadebe ovimbisa kuita zvinorova mumwaka mutsva weMLS

Blessing Malinganiza MUTAMBI wekumashure wechikwata chenyika chemaWarriors, Teenage Hadebe, anoti ari kutarisira kuratidza unyanzvi hunoendeka mumwaka mutsva weMajor League Soccer (MLS), uwo wakatanga pakupera kwesvondo radarika. Mutambi uyu, uyo ane…

Chiragwi hapana kwaari kuenda: Jere

Tadious Manyepo MURAIRIDZI weCAPS United, Takesure Chiragwi, haasi kuzodzingwa basa kunyangwe akatadza kuhwinha mukombe weligi mwaka uno. Chibvumirano chekondirakiti yake chinoda kuti chikwata ichi chipedze chiri pakati pezvina zvinenge zviri…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×