Oda rubatsiro rweUS$30k

Muchaneta Chimuka
MWANA ane makore 12 okuberekwa wekuHatcliffe, muHarare, ari kutsvaga rubatsiro rweUS$30 000 rwekuti anorapwa kunyika yeIndia chirwere chegomarara remumusoro iro rava nemakore anodarika gumi richimutambudza.

Allan Katema anonzi anofanira kunovhiiwa kuzvipatara zviri kuIndia nekukasika uye hama dzake dziri kukundikana kuunganidza mari iyi.

Allan anogara naambuya vake, Gladys Itai Gochera, uye anonzi akavhenekwa namachiremba ndokuonekwa kuti ane gomarara rinodaidzwa kunzi Plexigome Neurofibramatosis.

“Vanhu vaMwari ndinokumbirawo kuti mubatsire muzukuru wangu Allan Katema. Dambudziko iri rakatanga paakabarwa asi hataiziva kuti chaive chii, machiremba achingoti aizokwanisa kumuvheneka paanenge ava nemwedzi gumi nemisere yekuberekwa.

“Nomusi wa27 Gunyana 2018, takazoenda naye kumachiremba vanova vakazotizivisa nezvegomarara iri. Murume wangu paaive achiri mupenyu, taiedza kurapisa mwana, zvino akazoshaya mugore ra2014. Saka seshirikadzi ndasara ndiine mutoro mukuru wekurera muzukuru uyu,” vanodaro Mbuya Gochera.

Vanoti zinyama rakamera pahuma pemuzukuru wavo riri kuramba richikura richimurwadza zvakanyanya.

“Munguva pfupi yadarika, ndakanzwa nezvechipatara chiri kuIndia icho chinobatsira vanhu vane matambudziko erudzi urwu, saka ndinovimba kuti kana ndikawaniswa rubatsiro rwemari inodiwa iyi, muzukuru wangu anobatsirwa mukudzoreredza utano hwake uye vakati vanoda US$30 000,” vanodaro.

Vangada kubatsira mwana uyu vakasununguka kutumira mari mubhanga reFBC Bank muakaundi yaGladys Itai Gochera ine nhamba dzinoti 5333037020605571.

 

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *