Ofemeswa neaimbove mushandi wake

Courtney Munodawafa
MUMWE muzvinhabhizimisi wemuHarare anoti ashaiswa rugare neaimbove mushandi wake uyo waanoti ari kuuya kukambani kwake achikanganisa vashandi vake kushanda zvakanaka achiti, “Ndinozvidira jecha izvi”.

Golden Njanji akazvuvira Tatenda Taera kuHarare Civil Court.

“Changamire, murume uyu andishungurudza. Anokonzeresa mhirizhonga achikanganisa vashandi vangu. Anoti anoda kudira kambani yangu jecha,” anodaro Njanji.

Anoti kambani yake inoita zvekutengesera zvipatara mishonga nemichina yakasiyana saka ari kukumbira kuti Taera asauya kwaanotengesera zvinhu zvake.

“Ndinotengesa mishonga nemichina yeRadiation muzvipatara. Ndinokumbira kuti mumumise kuuya kwainenge iri nekuti anogona kuputsa midziyo iyoyo,” anodaro Njanji.

Mutongi Noah Gwatidzo akapa Njanji gwaro rerunyararo.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *