Ongororo yezvifuyo nezvirimwa yoitwa

Muchaneta Chimuka

MUCHIITIKO chekutanga chinoratidza budiriro maringe nenyaya dzekuita ongororo yezvekurima, boka reZimbabwe National Statistics Agency (Zimstat) riri kuita tsvakurudzo yehuwandu hwezvipfuyo uye goho mumwaka wa2021 richishandisa dandemutande remhando yeComputer Assisted Personal Interviews (CAPI).

Kubvira mumakore adarika, Zimstat yaishandisa magwaro (Paper Assisted Personal Interviews (PAPI) mukuita basa iri apo vashandi vayo vaienda kunzvimbo dzakasiyana vachinoita ongororo kuburikidza nekunyora pamagwaro izvo zvaivatorera nguva refu uye zviine basa rakawanda nekushandisawo mari yakawanda, zvikuru panyaya dzezvekufambisa.

Sangano iri riri kuita ongororo iyi nechinangwa chekuona mamiriro akaita huwandu hwechikafu mudzimba uye munyika zvinova zvichabatsira mukusimudzirwa kwemabasa ekurima nekugadzirwa kwemitemo iri maringe nekurima, pakati pezvimwe.

Ongororo iyi inoitwa pagore mwaka yakasiyana uye ine mipanda mipfumbamwe.
Ichaitwa mwedzi uno kusvika waChikumi uye ichashandiswa zvekare mukuunganidza magwaro ane ruzivo pamusoro pechimiro cheupfumi hwenyika mune zvekurima.

Mai Matiwonesa Phiri vanova production statistics director kuZimstat vanoti gore rino ongororo iyi iri kuitwa kuburikidza nekushandiswa kwemakombuyuta apo varimi vachabvunzwa mibvunzo maringe nezvirimwa uye zvipfuyo zvavo vachipa mhinduro.

“Gore rino tine chirongwa chitsva apo Zimsat iri kuita ongororo yezvirimwa uye zvipfuyo ichishandisa ruzivo rwechizvino-zvino rwemakombiyuta pane kushandisa mapepa mukunyora,” vanodaro.

Related Posts

Hadebe ovimbisa kuita zvinorova mumwaka mutsva weMLS

Blessing Malinganiza MUTAMBI wekumashure wechikwata chenyika chemaWarriors, Teenage Hadebe, anoti ari kutarisira kuratidza unyanzvi hunoendeka mumwaka mutsva weMajor League Soccer (MLS), uwo wakatanga pakupera kwesvondo radarika. Mutambi uyu, uyo ane…

Chiragwi hapana kwaari kuenda: Jere

Tadious Manyepo MURAIRIDZI weCAPS United, Takesure Chiragwi, haasi kuzodzingwa basa kunyangwe akatadza kuhwinha mukombe weligi mwaka uno. Chibvumirano chekondirakiti yake chinoda kuti chikwata ichi chipedze chiri pakati pezvina zvinenge zviri…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×