Opika jeri aba doro

Muhamed Komboni
MUDZIDZI wepaMarymount Teacher’s College akamiswa mudare redzimhosva achipomerwa kuba doro muchitoro cheTM Pick n Pay chiri maMutare.

Willard Nkata (32) anobvuma mhosva iyi pamberi pemutongi weMutare Magistrate Court, Muzvare Notebulgah Muchineripi.

Muchuchisi Godswish Dzivakwe anoti nomusi wa1 Mbudzi, Nkata akapinda muchitoro cheTM chiri maMutare ndokutora mabhodhoro maviri edoro rerudzi rweViceroy Brandy pamwe chete nematatu eMountain Dew.

Nkata akabva atambidza mumwe murume waaiva naye (asina kuzivakanwa zita rake) rimwe bhodhoro redoro reViceroy nerimwe reMountain Dew ndokubuda muchitoro umu vachimhanya vasina kubhadhara.

Izvi zvaive mumaziso aMarshal Matemere anove murindi wemuchitoro ichi uyo akazotandanisa vaviri ava akakwanisa kubata Nkata zvikaita kuti aendeswa kumapurisa.

Doro rakabiwa rinokosha $277.37 uye kwakawanikwa rinokosha $141.58.

Nkata akapihwa chirango chokugara mujeri kwemwedzi miviri kana kubhadhara faindi ye$300.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *