Oshungurudza amai shirikadzi

Gamuchirai Muzanenhamu

MUDZIMAI wekuWarren Park, muHarare, akaendesa mwanakomana wake kudare achiti ari kumushungurudza nekukiya dzimba dzemaroja pamwe nekuvadzinga pamba izvo zvave kuita kuti ashaye mari.

Vaida Bvunzawabaya akamhan’arira Shack Bvunzawabaya kuHarare Civil Court.

“Mwana uyu anditambudza, apa ndiye mukuru. Anopota achikiya dzimba oisa hembe dzake achidzinga maroja kana ndaenda kumusha kwandava kugara kubva zvakashaya baba vake,” anodaro.

Anoenderera mberi achiti Shack ari kumutuka achiti haafarire mukadzi wake.

“Anondituka achiti handidi mukadzi wake, saka iye sedangwe ndiye anofanirwa kuona zvepamba apa ini ndoenda kumusha kuti ndisanetsane nemukadzi wake. Asi iye ane imba yake yaari kusiya achizogara kumba kwaanoziva kuti ndinenge ndichida mari yemaroja,” anodaro Vaida.

Shack anoti haanetsane naamai vake asi kuti sedangwe, anoda kubatanidza mhuri saka kana vachinge vakapesana mafungiro, amai vake vanoti vari kuvatuka.

“Handisi kunetsana navo asi sedangwe rakasiiwa nababa ndichinzi ndichengete mhuri, ndiri kuedza kubatanidza mhuri nekuti mune makakatanwa akawanda. Zvino ndikapesana mafungiro naamai vanoti ndiri kuvatuka.

“Maroja avari kuti ndakadzinga vakange vasisabhadhare mari ndikavati vabude asi amai vave kuona sekunge ndakaita zvekuvarwadzisa kuti vasawane mari,” anodaro Shack.

Anoenderera mberi achiti amai vake vakamuudza kuti mukadzi wake haadi zvekuenda kurufu navo nekudaro havamufarire.

“Vari kuti ndakavati havadi mukadzi wangu asi ndivo vakandiudza kuti havamude nekuti haadi kuenda kunhamo navo,” anodaro.

Mutongi Noah Gwatidzo akapa Vaida gwaro redziviriro.

Related Posts

Hadebe ovimbisa kuita zvinorova mumwaka mutsva weMLS

Blessing Malinganiza MUTAMBI wekumashure wechikwata chenyika chemaWarriors, Teenage Hadebe, anoti ari kutarisira kuratidza unyanzvi hunoendeka mumwaka mutsva weMajor League Soccer (MLS), uwo wakatanga pakupera kwesvondo radarika. Mutambi uyu, uyo ane…

Chiragwi hapana kwaari kuenda: Jere

Tadious Manyepo MURAIRIDZI weCAPS United, Takesure Chiragwi, haasi kuzodzingwa basa kunyangwe akatadza kuhwinha mukombe weligi mwaka uno. Chibvumirano chekondirakiti yake chinoda kuti chikwata ichi chipedze chiri pakati pezvina zvinenge zviri…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×