Otambiswa nhova neshamwarikadzi

Tafadzwa Mutsotso
SAMUSHA vekutambiswa tsava-tsava neaimbove shamwarikadzi yavo, iyo inonzi inohaya mamonya kuti avarikite, vakazotizira kudare.

Herald Gwazhira akaendesa Lindiwe Bayana kuHarare Civil Court achiti ari kumuonesa pfumvu.

Gwazhira akaudza dare kuti upenyu hwake huri panjodzi sezvo achigarosangana nevarume vanomurwisa vachiti vanenge vatumwa naBayana.

“Ndinokumbirawo kubatsirwa nekuti ndiri panguva yakaoma kutaura kuno. Musikana uyu anoita basa rekuuya kumba nekubasa kwangu otanga kunditukirira nemashoko asingaite pamberi pevanhu,” akadaro Gwazhira.

Akati zvakare Bayana anomuhaira mamonya ekuti amurove.

“Anonditumira mamonya kuti andirove. Rimwe zuva akasvika kumba kwangu nenguva dzepfumbamwe husiku akatanga kundirwisa nevarume vatatu vakasiya vagwedebudza gwedebudza mumba mangu, hamheno kuti vaitsvaga chii?” akadaro Gwazhira.

Bayana akaudza dare kuti haana kumbobvira anetsana naGwazhira.

“Gwazhira ari kunyepa nekuti inini ndakangosvika kumba kwake ndichida kumupa magwaro emendenenzi. Vanhu vaari kuti itimu yandakanga ndakamurongera kuti imurove mapurisa ainge andiperekedza kunomusvitsa masamanisi,” akadaro Bayana.

Akaenderera mberi achiti: “Zvaari kuti ndakaenda kumba kwake husiku manyepo. Handina kumbobvira ndamurova kana kumutuka. Handinetsane naye, chandinongoda kuti achengete mwana wake.”

Mutongi Yeukai Dzuda akapa Gwazhira gwaro rerunyararo.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *