Otizwa nekuda kwezvikwereti

nyundoTatenda Moyo
MUKADZI wekuti vanhu vave kumuzeza pamwe nekumutiza nekutya kukweretwa akazoendesa aimbova murume wake kumadare achida mari.Loraine Bore akaendesa Prosper Tshuma kuHarare Civil Court achida mari yekuchengeta mwana wavo. “Vedare, baba ava handiziviwo kuti ndodii navo nekuti pavandipinza ndipo parumananzombe chaipo, ndazogura manje.

Zvikwereti zvandave nazvo pamusoro pake murume iyeyu hazvitotsanangurike uye zvimwe zvacho handifunge ndingakwanise kuzvibhadhara pasina rubatsiro.

“Tine zvikwereti kuzvipatara chaiko zvinova zvakatitadzisa kutoresa birth certificate remwana. Pamusoro pezvo, pane zvimwe zvikwereti kukireshi kwemwana zvekutoti nzvimbo yeGrade 1 haitowanikwe zvikwereti izvozvo zvisati zvagadziriswa. Hama dzangu nevavakidzani havachatodi kunzwa nezvangu nekuti vanoti ndinenge ndichingoda kukwereta. Baba ava ngavandipe $60 zvayo,” akadaro Bore.

Tshuma akapokana naBore achiti:

“Ini kuriritira mwana wangu handina kumboramba asi kungoti zvinhu hazvisi kundifambira. Ndinotengesa mabhuku mudhorobha zvisiri pamutemo. Nekudaro kanzuru nemapurisa vanombokanda matombo munhandare zvichireva kuti basa rinenge risingashandike. Kare zvinhu zvaimbofamba, asi iko zvino hapana asiri kuchema.

“Mari yandinotokwanisa kubhadhara i$20 kwete $60 yaari kuda nekuti ndine mumwe mukadzi nevana vaviri. Zvimwe zvinongoda kunzwisisana nekuti kana isipo handingabeka uye pazvikwereti ini ndakangoti ndinopota ndichivapawo mbijana yekuti tinge tichikamurawo zvikwereti zvacho.”

Mutongi Tafadzwa Muvhami akati Tshuma abhadhare $45 pamwedzi.

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×