‘Paridzai 3rd wave’

Abel Ndooka

MUIMBI wemusambo weChimurenga — Shepherd “Shapiro” Chimbare — anoti vaimbi neshasha dzemitambo yemadhirama vanofanirwa kuve pamberi panyaya yekushambadza kuruzhinji kukosha kwekuzvidzivirira kubva kuchirwere cheCovid-19.

Muchinda uyu, uyo anotungamirira chikwata cheShapiro Express, anoti vaimbi vanofanirwa kupa mucherechedzo wakanaka kuburikidza nekugara vakapfeka mamasiki nenzira kwayo, kushambidza maoko nesipo kana kushandisa sanitizer uye nekunobaiwa majekiseni ekudzivirira Covid-19, pakati pezvimwe.

“Hama kutaura chokwadi 3rd wave yauya saka sevaimbi tinofanirwa kubata chikamu chikuru mukurwisa denda iri kuburikidza nekushambadza mashoko ekuti vanhu vagare vachitevedzera mitemo yose uye vachengetedzeke kubva kuCovid-19.

“Ngatiite mudungwe kuenda kunobaiwa nhomba dzekudzivirira chirwere ichi. Sevaimbi, izwi redu chombo chine simba. Tikataura vanhu vanoterera saka ngatishandise chombo ichi mukukurudzira veruzhinji kutevedzera mitemo yose yeHurumende ine chekuita nekurwisa Covid-19,” anodaro Shapiro.
Kunyangwe zvazvo Shapiro ave nemakore ane chitsama achiita zvemimhanzi, akakwanisa kutsikisa dambarefu rake rekutanga mugore ra2017 rinonzi Chivanhu Chedu.

Anoti pari zvino ari mushishi kutsikisa dambarefu rake rechipiri rinonzi “Hupenyu Hunorema”.
Achangobva zvakare kubura kambo kanonzi Ngoma yeZimbabwe ako akatsikisa naAndy Muridzo kachange kari padambarefu rake Hupenyu Hunorema, iro anotarisira kuparura munaChikunguru.
“Ndakapinda mune zvemimhanzi ndichiri kuyaruka asi mukana wekuzotsikisa wakazouya mugore ra2017 apo panove ndipo ndakabura dambarefu rangu rekutanga.

“Mhanzi mazuva ano nekuda kwematambudziko akasiyana, kusanganisira iyo Covid-19, unotofanira kushanda kuitira kuti ukwanise kukura semuimbi uye uchengete nhengo dzechikwata chako.” anodaro Shapiro.

Related Posts

Hadebe ovimbisa kuita zvinorova mumwaka mutsva weMLS

Blessing Malinganiza MUTAMBI wekumashure wechikwata chenyika chemaWarriors, Teenage Hadebe, anoti ari kutarisira kuratidza unyanzvi hunoendeka mumwaka mutsva weMajor League Soccer (MLS), uwo wakatanga pakupera kwesvondo radarika. Mutambi uyu, uyo ane…

Chiragwi hapana kwaari kuenda: Jere

Tadious Manyepo MURAIRIDZI weCAPS United, Takesure Chiragwi, haasi kuzodzingwa basa kunyangwe akatadza kuhwinha mukombe weligi mwaka uno. Chibvumirano chekondirakiti yake chinoda kuti chikwata ichi chipedze chiri pakati pezvina zvinenge zviri…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×