Payet odzungaira

WEST Ham yakaramba kutambira £22 miriyoni kubva kuMarseille iyo inoda kutenga Dimitri Payet.

Mutungamiri weMarseill, Jacques-Henri Eyraud, akaenda kuLondon uko ari muhurukuro naDavid Sullivan anove mumwe wevakuru veWest Ham. Asi muhurukuro idzi hapana chati chabudamo sezvo West Ham iri kuramba kutambira mari iyi, izvo zvasiya Payet achidzungaira mumusoro make zvichitevera kuudza kwaakaita chikwata ichi kuti haachadi kuchitambira zvachose.

Payet ari kuda kudzokera kuMarseille, izvo zvichatadzisa West Ham kumutengesa kune zvimwe zvikwata, uye anoda kudzokera kwaakabva uku mugore ra2015 nekuda kwezvikonzero zvake iye ega.

Mutambi uyu akaudzwa kuti achange achiita gadziriro dzake nechikwata chemaUnder 23. West Ham yakaudza Marseille kuti inoda mari inosvika £40 miriyoni asi inogona kutambira £30 miriyoni.

Sullivan ange achitsika madziro achiti Payet haasi kuzotengeswa asi mukana wekuwana mari zhinji kubva pamutambi uyu – uyo akatengwa ne£10,7 miriyoni – mukuru chaizvo wekuti haangambotadze kuushandisa. West Ham inogona kuedza kutenga Chris Wood weLeeds uye inotarisira kutenga Scott Hogan kubva kuBrentford.

Chikwata ichi chakaudza Payet kuti akumbire ruregerero kuvatsigiri vacho kana achida kudzoka kuzochitambira zvakare sezvo akadzikisirwa kuti agotambe nevechidiki. – Daily Mail Football.

 

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *