Rambai vakadzi, varume: Bishop

Danisa Masuku

BHISHOPU weApostolic Church iri kuMahatshula North, kuBulawayo, ari kupomerwa kupunza michato yevatendi vake kuburikidza nekukurudzira varume nevakadzi vakaroorana kuti varambe vadiwa vavo ndokunge vasiri kuenda kuchechi.

Bishop Philip Chipato – uyo anonzi muporofita zvakare – anonzi ari kukurudzira varume vane vakadzi vanenge vasisaende kuchechi kuti vavarambe.

Mumwe mufundisi, uyo akakumbirisa kuti zita rake risaburitswe, anoti Bishop Chipato ari kugaroparidza achishora vakadzi vakaroorwa asi vasisaende kuchechi kwake.

Anonzi akaudza mumwe mufundisi wechechi iyi – Cleopas Midzi – kuti arambe mudzimai wake, Vimbai Denhere, mushure mekunge amira kuuya kuchechi.

“Vimbai akamira kuuya kuchechi uye mushure memasvondo maviri, Bishop Chipato akabva atanga mharidzo inoshora vanhu vakaroorana vasisauye kuchechi. Akabva akurudzira kuti avo vakaroorana vane vadiwa vavo vasisiri kuuya kuchechi kuti vavarambe,” anodaro.

Mumwe elder wemuchechi iyi anoti nekuda kwemharidzo yaBishop Chipato, Midzi akabva aramba mudzimai wake.

“(Cleopas) Midzi akabva aramba mudzimai wake Vimbai uye ave kugara naFelistas Manase. Nyaya iyi yakonzera nyonga-nyonga muchechi. Vamwe vanhu vakabva vatanga kusiya chechi uye kusvika pari zvino vasvika 100 avo vakatobuda muchechi mushure mekuona kuti wanano dzavo dzinogona kupinda panguva yakaoma,” anodaro elder uyu.

Denhere anotsinhira kuti haachaenda kuchechi iyi.

“Ndakaregera kuenda kuchechi iyi (Word Apostolic Church) nekuti handina kufara nezvaiitwako. Mharidzo yake yakange isingaenderane nezviri mushoko raMwari. Kwapera mwedzi mumwe chete apo Chipato akakurudzira murume wangu kuti andirambe ndokundisiya nevana vaviri avo asiri kuchengeta,” anodaro Denhere.

Mumwezve elder muchechi iyi – uyo anoti anonzi Moyo – anoti Bishop Chipato apo aiita mharidzo yake, aibva atsanangura achinyepera seari kuporofita chimiro chemudzimai waelder anenge asisauye kuchechi.

“Aitaurira elder anenge akaroora ane mukadzi asisauye kuchechi kuti iye (Chipato) akaratidzwa mumwe mudzimai wake mumweya nekudaro anofanira kuramba mukadzi wake aroore mumwe,” anodaro Moyo.

Chipato apo akabvunzwa nevatori venhau pamusoro penyaya iyi, akangoti, “Hakuna zvakadaro.”

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *