Runga mutauro wako

 

1. Mukadzi anozvara vana vakafa anonzi *svusvura*.

2. Mwana anofira mudumbu anonzi *fonda*.

3. Vabereki vakafirwa nevana vose vanonzi *tsuro/muzvarireivhu*.

4. Muroora mkuru mumusha anonzi *ndangaruvanze/hosi*.

5. Mkwasha mkuru anonzi *nhangaruvanze*.

6. Muvhimi wechikadzi anonzi *maisiri*.

7. Mwana anofa asati amera mazino anonzi *gambe*

8. Mwana wekutanga kuzvarwa mumhuri anonzi *dangwe.*

9. Mwana wekupedzisira kuzvarwa mumhuri anonzi *gotwe.*

10. Mwanakomana waMambo wekutanga kuzvarwa mumhuri anonzi *nevanji.*

11. Mwanasikana waMambo (Murozvi) anonzi *vaMoyo).*

12. Munda mutsva unonzi *gombo.*

13. Tinorima nzungu nenyimo *mutseu.*

14. *Gupuro* imari kana chinhu chinobviswa nemurume kuratidza kuti haachadi mukadzi wake.

15. *Chekaukama* imombe, kazhinji chena isina vara, inobviswa nemurume anenge achida kuroora musikana waane ukama naye.

16. *Danga* imombe dzinobviswa nemukuwasha seroora.

17. Munhu anotumwa kufambisa mashoko pakati pemhuri dziri kuroorerana anonzi *sadombo.*

18. *Barika* kana kuti *guru* musha une vakadzi vaviri kana vazhinji pamurume mumwe chete,panguva imwe chete.

19. Munhukadzi achangobva mukuzvara anonzi *muzvere.*

20. Tinorima muriwo *mubindu*. —zimsake.co.zw

Related Posts

Tonganyika Trust equips 276 Makoni South youths with life skills

Samuel Kadungure News Editor TONGANYIKA Trust has equipped hundreds of out-of-school rural youths with practical skills, offering an alternative to drug and substance abuse, criminal activities and other social ills…

LITHIUM REVOLUTION BEGINS . . . Verify eyes US$28m battery plant

Ray Bande Senior Reporter ZIMBABWE’S drive to unlock value from its vast lithium reserves has taken another significant step forward, with State-owned technology innovator, Verify Engineering, seeking US$28 million to…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *