Ruzivo Primary inobura shasha

CHIKORO cheRuzivo Primary School chiri kuMufakose, muHarare, chiri kuratidza kuti chine ruzivo, sezita racho, rwekusimudzira dzidzo.

Mukuru wechikoro ichi, Mai Auxilia Sahondo, vanoti vanofadzwa zvikuru nekusimukira kuri kuita chikoro chavo.

“Kubvira kuuya kwandakaita pano mugore ra2012, ndiri kuona shanduko huru nekuti chikamu chedu chekupasa paGrade 7 chiri kukwirira kana zvichienzaniswa nemamwe makore adarika. Tiri kuedzawo nepose patinogona kuti tinge tichiita mitambo iya yaimbonzi ndeye maGroup A schools secricket, basketball nehandball,” vanodaro.

Vanoti kubasketball chikoro chavo chakakunda kubva padanho redistrict kusvika kupurovhinzi.

Mai Auxilia Sahondo vanoti vari kusanganawo nematambudziko emari zvichitevera kuoma kuri kuita zvinhu munyika apo vabereki vazhinji vari kukundikana kubhadhara mari dzechikoro nenguva zvinova zviri kuita kuti vatadze kutenga mimwe midziyo inodiwa mukufambisa mabasa edzidzo nezvivakwa.

Vanotizve vana vepachikoro chavo vari kubudirira zvikuru muchidzidzo cheShona paGrade 7 kuburikidza nebepanhau reKwayedza iro rine zvikamu zvedzidzo yeGrade 7, O- neA-Level.

Zvivakwa zvose zvepachikoro ichi zvakavandudzwa zvakare kuti zvifambirane nenguva uye pane library yekuverengera ine mabhuku anodarika 6 000.

Ruzivo Primary yakavambwa mugore ra1971.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *