Sadunhu odya marasha . . .‘handidi madofo muno’

SADUNHU MAKWARIMBA
SADUNHU MAKWARIMBA

VABEREKI vasiri kubhadharira vana vavo mari dzechikoro kudunhu raMakwarimba, kuHwedza, vave kutorerwa zvipfuyo zvavo zvakaita semombe izvo zvinozotengeswa mari yacho yoendeswa kuchikoro.
Sadunhu Makwarimba, VaMark Makwarimba (83), vanoti vakaona zvakakodzera kuti vatore danho iri zvichitevera kushaya hanya kwevamwe vabereki, avo vasingade kubhadharira vana vavo mari dzechikoro.

“Mushure mekutarisana nedambudziko guru revabereki vasingade kubhadhara mari dzechikoro, vakuru vezvikoro nemakomiti anotungamirira zvikoro vakauya kwandiri vachikumbira kuti tivabatsire kuti vapihwe mari izvo takatanga kuita.

“Zviri kubatsira zvikuru sezvo vamwe vabereki vave kuenda kuzvikoro vachinobhadhara mari dzacho uye tinoshevedza zvakare vabereki vasingade kubhadhara mari ava, vamwe tinovapa nguva yekubhadhara, vamwe tichizoguma tavatorera zvipfuyo zvinozotengeswa nezvikoro,” vakadaro Sadunhu Makwarimba.

Zvipfuyo zvinotorwa izvi zvinosanganisira mbudzi, makwai, huku kana mamatoki zvichienderana nekukura kwechikwereti chacho.

Sadunhu Makwarimba vanoti vamwe vabereki vanogona kunge vaine vana vakawanda pachikoro chimwe chete asi vasingabvise mari izvo zvinoita kuti zvikwereti zvavo zvikure.

“Zvakare makurukota angu anofamba achiona vana vasingaende kuzvikoro apo tinotaura nevabereki vacho kana vamwe veukama vanogara nevana ava, ndokunge vari nherera, totsvaga kuti chii chinotadzisa vana ava kuenda kuchikoro, togadzirisa,” vakadaro.

“Tine vamwe vabereki vasingakoshese dzidzo saka vakadaro ava tinovamanikidza kuendesa vana vavo kuchikoro.

Handidi dunhu rine madofo kana vanhu vasina kudzidza.”

Zvikoro zvizhinji zvepuraimari nesekondari mudunhu iri zvinonzi zvinobhadharisa vana mari inotangira pa$15 kusvika $50 patemu yoga-yoga.

VaAugustine Zawe Chakavarika (52), avo vanova mumwe wevabereki vemudunhu iri, vanoti danho iri rakanaka zvikuru nekuti rinoita kuti zvikoro zvisimukire.

“Danho iri rakanaka nekuti hakuna mubereki anoda kuti abhadharire vana vevamwe chikoro sezvo vanenge vasina kubhadhara mari vanenge vave kudzidza nemari yevamwe,” vakadaro VaChakavarika.

VaMandishonha Makwarimba (78) vakatsinhira vachiti chirongwa ichi chiri kubatsira zvikuru mukuvandudzwa kwezvikoro.

Mai Vennah Matowa (35) naVaAleck Enock vakatiwo chirongwa ichi chinofanirwa kuramba chichifambira mberi.

Mukuru wezvedzidzo kuMashonaland East anodaidzwa kuti Provincial Education Director (PED), VaSylvester Matshaka, havana kubatika kuti vape maonero avo panyaya ino.

Gurukota redzidzo yepuraimari nesekondari, Cde Lazarus Dokora, nguva pfupi yadarika vakati zvikoro zvine vabereki vasingabhadharire vana vavo mari yefundo zvine masimba ekuvaendesa kumatare kuti vabhadhare mari idzi.

Related Posts

Mhirizhonga inokanganisa budiriro yenhabvu yeZim

Tadious Manyepo AIMBOVE kaputeni wechikwata chemaWarriors, Willard Katsande, anoti budiriro munyaya dzenhabvu muZimbabwe inogona kudzokera kumashure zvakanyanya kana pachitariswa zviitiko zvakaita semhirizhonga yakaitika kuChahwanda Stadium, kuKwekwe, nomusi weSvondo wadarika apo…

Hadebe orangarira amai vake ne‘tattoo’ rechipiri

Blessing Malinganiza NOMUSI wa25 Chivabvu, makore mapfumbamwe adarika, upenyu hwemutambi wemaWarriors neFC Cincinnati, Teenage Hadebe, hwakashanduka zvachose zvichitevera kurasikirwa kwaakaitwa naamai vake Sellinah. Anoti amai vake ava ndivo vaive murairidzi…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×