Sarungano ndiani?

Munyaradzi Gunduza

SARUNGANO vaiva ambuya kana sekuru vane utsome pamwe neuseza hwenharaunda nemararamiro aitarisirwa mutsika namagariro avatema.

Sarungano aive akangofanana nebhuku, mudzidzisi kana sahwira nokuti aipa vana ruzivo pamusoro penharaunda, uye rairo dzinodiwa maringe neupenyu hwavatema.

Aitorwa sebhuku sezvo mubhuku muri imo munowanikwa ruzivo, uye mhinduro dzezvinhu zvakasiyana-siyana izvo vanhu vanenge vasina ruzivo pamusoro pazvo.

Sarungano aipa vana mhinduro pamibvunzo yaibata nharaunda dzavo sokuti sei dzimwe mhuka dzichigara mumvura, dzimwe dzakapusa kupinda dzimwe, dzimwe chichimhanya kupfuura dzimwe, dzimwe dzisina miswe, uye dzimwe dzichigara musango.

Pakupa mhinduro idzi sarungano ainge atoshanda zvakangofanana nezvinoitwa nemabhuku esainzi ayo anotsanangura mamiriro akaita nharaunda pamwe nezvisikwa zvakasiyana-siyana.

Sarungano ndiye zvakare aichengetedza chivanhu pamwe netsika namagariro avatema kuburikidza nekudzidzisa vana unhu hunotarisirwa zvichibva mungano dzakasiyana-siyana.

Mungano maibuda zvidzidzo zvakawanda kwazvo zvaidzidzisa zvinhu zvakasiyana-siyana zvinosanganisa kushanda nesimba, kudya zvesimba rako, kugara nevamwe zvakanaka, kukosha kwehukama nekuchengetedza zvibvumirano zvichingodaro.

Vana vaidzidzawo ngano dzakasiyana-siyana kubva kuna sarungano izvo zvaivabatsira kuti vazovewo nyanzvi mukutaura ngano idzi kune vamwe vavo.

Nokudaro, sarungano aive denhe reruzivo rwose. Kana rungano rwuine rwiyo, sarungano aive nebasa rekuvamba rwiyo pamwe nokudzidzisa vana nziyo nemaimbirwo adzo.

Pakuita ngano, sarungano haaigona kuita ngano ari oga pasina vatereri nokuti ndivo vaimupa manyawi okuita ngano.

Vatereri vaibvumira nziyo dzaiimbwa nasarungano, uye sarungano aipa vatereri nguva yekuti vambodzokororawo ngano dzaainge achivaudza achida kuona unyanzvi hwavo mukubata zvavanenge vadzidza.

Nokudaro, sarungano aishanda semudzidzisi anopa vana bvunzo pamwe nebasa rekuita kuti aone kana vakwanisa kubata zvavanenge vadzidza.

Nokuda kwehochekoche iripo pakati pasarungano nevatereri, zvinoratidza kuti pasina sarungano hapana rungano, uye pasinawo vatereri hapana rungano sezvo sarungano aisakwanisa kuita ngano ari oga.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *