Saurombe akahwapura mukombe

SHASHA yemutambo wegorofu, Robson Saurombe, svondo radarika ndiye akahwina mubairo mukuru wemari inosvika US$3 600 pamutambo weGolden Pilsener Harare Open uyo wakatambirwa paChapman Golf Club muHarare.

Saurombe akatamba zvinonwisa mvura izvo zvakamuona achikunda mhondondoro dzemutambo uyu dzinopfura 60, idzo dzinosanganisira Dale Howie uyo aive nemukombe uyu pamwe nevamwe vakaita saIgnatius Mketekete, Tongo Charamba, Ryan Cairns naMohammad Mandhu.

Muhurukuro neKwayedza, Saurombe anoti akagara mudenga rechinomwe zvichitevera kuhwina kwaakaita mutambo uyu kanove kekutanga.

Mumakore matatu kubvira pakavambwa mutambo weHarare Open, Saurombe pekutanga akakundwa naMketekete uyo akaenda nemukombe kozoti gore radarika haana kutamba zvakanaka izvo zvakamuona achiuya pechisere.

“Ndiri kufara zvikuru nekuti ndazozviita manje, uyu ndiwo wega mutambo wandange ndisati ndambohwina asi zvazoita.

“Kaviri kese kandakamboukwikwidza ndange ndichingokundwa mutambo wave kunopera asi gore rino ndezvangu.

“Mutambo uyu waikwikwidzwa nedzimwe mbangura dzakaita sanaTongo Charamba, Ignatius Mketekete avo vanove vanogona zvikuru saka ndinoona kuti ndiri kufamba mugwara chairo sezvo ndakakwanisa kuvakunda,” akadaro Saurombe.

Saurombe akambokwikwidza mimwe mitambo yakaita sePre-Open Classic, Open Classic iyo yaakauya pechitatu kozoti yeEconet Cup iyo akaita wechipiri.

Zvakadaro, Saurombe anoti masangano akasiyana anofanirwa kukotsvera mutambo wegorofu kuti usimukire.

Anoti vamwe vatambi vari kune dzimwe nyika vanotamba svondo rega-rega zvinoita kuti vatambe zvemhando yepamusoro izvo zvinosiyana nevemuno avo vanotamba kamwe chete pamwedzi mitatu kana mina.

Mutambo uyu waikotsverwa neGolden Pilsener nemari inosvika US$20 000 uye vamwe vatambi vakahwina vanosanganisira Mahommad Mandhu, Nickson Masunga naJohn Bele wekuSouth Africa uyo akaita wechina.

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×