Seed Co yoriga dzose kuMakomoyo!

Clemence Mucharedzeyi

AIVA makuwerere kuManicaland Agricultural Show iyo yakaitwa kubva musi wa18 kusvika 22 Gunyana 2019 apo varimi vakaratidzira zvirimwa zvavo kunhandare yekuratidzira iri muguta reMutare.

Varimi vakabva kumatunhu manonwe eManicaland vachizoratidzira zvavanorima pamwe nekugadzira. Varimi vanosvika makumi matatu neumwe vairatidzira zvirimwa nehumhizha hwavo.

Mukuru weManicaland Agricultural Show Society, VaMbarara vakapa uchapupu nekugamuchira ruzhinji rwevanhu vakanga vanoona zviratidzwa kubva kuvarimi nemakambani akasiyana.

VaMbarara vakavimbisa kuti gore rinouya vane chivimbo chekuti pachange paine musiyano uye kuwedzera kushambidzika kwenharaunda yekuratidzira.

Gurukota reHurumende kudunhu reManicaland, Senator Dr E Gwaradzimba vakati vanoda kuona vanhu vakawanda pakuratidzira kwegore rinouya. Vakaenderera mberi vachiti varimi vanoda kuwedzera kukosha kwezvirimwa kuitira kuti zvitengwe nemutengo wepamusoro.

Vakazarura zviri pamutemo kuratidzira zvirimwa nehumhizha vanhu vose vakafara zvikuru.

Chakazonyanya kufadza ndechekuti varimi vakawana mibairo ndevaya vakarima mbeu dzeSeed Co. Murimi akakunda vose ndokuwana mubairo weBest Agricultural Produce ndiMai Bingandadi avo vanorima vari muMutare District, uye vari Anchor Farmer weSeed Co.

Mai Bingandadi vakaratidza kuti vanogona kurima uye mbeu dzeSeed Co dzinoriga dzimwe dzose. Izvi zvakapa chivimbo kuvarimi kuti mbeu ine chokwadi imbeu ine goho uye kudya kwakanaka inowanikwa kuSeed Co.

Hazvina kuperera ipapo, Seed Co yakazowana mubairo weBest Seed House Stand apo yakariga dzose zvekuti varimi vakanga vongoshaura kuti, “Seed Co ndokuti sadza nomuriwo” vachipemberera pamwe chete nevarimisi veSeed Co.

l Clemence Mucharedzeyi murimisi weSeed Co kudunhu reManicaland.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *