Sekuru vodashura gogo

Trymore Muvhawa—

CHEMBERE ine makore 70 ekuberekwa, yekuti inogara ichirikitwa nemurume wayo ichipomerwa kutadza kushandisa mari zvakanaka, yakazopotera kudare redzimhosva yaona kuti zvanyanya.

Babra Mugoni akamhan’arira murume wake, Artwell Tangwara, kuHarare Civil Court.

“Mambo wangu, ndashungurudzwa nababa ava. Uyu murume wangu asi maitiro avo haana kururama zvachose. Vanouya nemari mumba vondipa kuti ndichengete pamwe nekutenga chikafu. Ndinogona kubvisa kana $15 ndotenga chikafu chemumba asi chinondishamisa ndechekuti vanozoti ndivape mari yacho yakakwana.

“Handizive kuti mari yandinenge ndatengesa chikafu vanoda kuti ndiitore kupi nekuti mari yavanenge vandipa vanenge vachiida yakakwana,” akadaro Mugoni.

Mbuya ava vanoenderera mberi vachiti: “Kana ndichinge ndavapa yandinenge ndasarirwa nayo yacho, ndipo pavanondirova. Mumwe musi vakandirova zvikuru ndokuzondidzipa zvekuti ndakatopotsa ndashaiwa mweya wekufema.

“Ndinozopona nekutizira kumba kwaamai vangu asi iye anotevera ikoko achitipopotera tose naamai vangu nemwanasikana wangu achiti ndivo vari kudya mari yake yaanenge andipa.”

Vanoti murume wavo anouya zvakare kubasa kwavo achisvikopopota.

“Ane tsika yekuuya kubasa kwangu achipopota izvo zvinoita kuti vakuru vebasa vade kundimisa basa. Mumwe musi, mushure mekunge auya kuzondipopotera pabasa, ndakasara ndikagadzwa dare rekuda kumiswa basa asi ndakatozochema- chema ndichitaurira vakuru vebasa kuti ndina amai vangu vakura saka ndini ndinovachengeta ndokuzondiregerera kwavakaita.

“Ndaikumbira dare ridzivise murume wangu kuti asagare achindirova. Fungai kuti nezera rangu rino ndinosvikepi ndichingorohwa?” akadaro Mugoni achida kusvimha misodzi.

Achipawo divi rake, Tagwara akati mudzimai wake ndiye ane dambudziko nekuti anongopa mari vabereki vake chete. “Vabereki vangu vachirikowo, saka patinonetsana nemudzimai wangu ndepekuti iye anongoda kupa amai vake mari chete asingacheukawo kuti vangu variko. Handipikisane nechikumbiro chake chegwaro redziviriro asi iye ngaavewo mukadzi mukuru mumaitiro ake,” akadaro Tangwara. Mutongi Yeukai Dzuda akapa Mugoni gwaro redziviriro.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *