Selbourne Primary: Unozodei? -Bhazi rechikoro ravapo -Ma’prefects’ akagadzwa

Trymore Muvhawa
AKANGE ari makuwerere pachikoro cheSelbourne Routledge Primary, icho chiri muHarare, svondo rapera apo paipembererwa bhazi idzva pamwe nekugadzwa kwevatungamiririri vevana – maprefects. Vachitaura pagungano iri, mukuru wechikoro ichi, Mai Getrude Katena, vakarumbidza vabereki nekushanda pamwe chete nehutungamiri hwepachikoro ichi mukuunza budiriro.

“Ndinoda kuti tifare tose nhasi nekuti tava nebhazi redu. Asi zvakanga zvisiri nyore kuti tikwanise kuritenga nekuti pakaita dambudziko remakakatanwa, vamwe vachiti dai tatanga kuvaka mudhuri weECD asi mushure mezvo takazobvumirana,” vanodaro.

Vanoenderera mberi vachiti: “Ndinoda kutenda vabereki kunyanya, nekuti vanotitsigira nguva zhinji kuburikidza nekubhadhra mari yatinenge tati vabvise yebudiriro yechikoro uye kuvakurudzira kuti varambe vakashinga. Iko zvino tava kuzokwanisa kuchengetedza mari nekuti takanga tiine tsika yekuhaya mabhazi, izvo zvaiita kuti tiburitse mari yakawanda.”

Mashoko avo anotsinhirwa nasachigaro wekomiti inomirira vabereki, yeSchool Development Committee, Dr Edward Gomba, vachiti zvakakosha kuti mapoka ose arambe akabatana mukusimudzira fundo paSelbourne Routledge Primary.

“Pari zvino tiri mushishi kuti tikwanise kuisa durawall, kupenda dzimba dzekudzidzira pamwe nezvimwewo,” vanodaro.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *