‘Shandisai fetereza zvine hugwaru’

VARIMI vakakurudzirwa kushandisa fetereza zvine hungwaru muminda yavo zvichitevera kunaya kwemvura zhinji mazuva ano kuti zvirimwa zvavo zvirege kunyukurwa uyewo nekuti vagadzire makandiwa anorasa mvura muminda yavo nenzira kwadzo.

Mashoko aya akataurwa nenyanzvi yezvekurima inopa ruzivo kuvarimi, VaJohnson Muzarurwi, avo vanova senior agronomist vachiti kuti varimi vakwanise kukohwa zvakanaka kana kuchinaya mvura yakawanda vanofanirwa kudyara mbesa dzavo nefetereza yepasi kuitira kuti dzimere dzakasimba.

“Varimi vari kurima izvozvi zvikuru chibage nezvimwe zvirimwa, ngavadyare nefetereza yepasi yatinoti Compound D kana mune zvimwewo zvirimwa vodyara neCompound S zvinoita kuti zvimere zvakasimba zvikuru kana kuchinaya mvura kudai,” vakadaro VaMuzarurwi.

Vanoti kana varimi vatadza kudyara nefetereza yepasi vanogona kuita yekucherera apo zvirimwa zvichangobuda.

“Munoona kuti zvirimwa zvikatadza kudyarwa nefetereza yepasi kana kuti zvikarega kuiswa fetereza iyi zvichangobuda zvinotsvuka zvotadza kuita zvakanaka,” vakadaro.

Vakakurudzirawo vaye vanowana manyowa emipfudze kuti vaashandise pakudyara mbesa dzavo kuitira kusimbisa ivhu.

“Fetereza yepamusoro zvakare inofanirwa kuiswa muzvirimwa svondo rechina zvamera, asi sekunaya kuri kuita mvura tinoti fetereza iyi ngaisiyaniswe maisirwo ayo totanga pasvondo rechina toisa chikamu chepakati nepakati, tozopamhidza zvakare pasvondo rechitanhatu, tikadaro zvirimwa zvedu zvinobereka zvakanaka,” vakadaro.

“Kune varimi vanowana fetereza yakawanda, vakati vanoramba vachiisa zvavo zvichifambirana nekuti mvura iri kuramba ichinaya zvakadii. Vakazopawo yambiro kuvarimi kuti vagadzire makandiwa muminda yavo anorasa mvura kuti isapinda nemukati meminda zvavakati zvinokonzera gukuravhu.

“Makandiwa haadi kushaikwa muminda, anoita kuti mvura ifambe nepanzvimbo yayo kwete nepose pose saka anoda kugadzirwa nenzira kwayo akapamhamha pamwero unodiwa uyewo nekukwira kwawo mudenga,” vakadaro.

Vakakurudzirawo varimi kuti vagadzurudze madhamu avo, angava maduku kana makuru kuti akwanise kuchengetedza mvura iri kunaya iyi. Kune minda yava nemakoronga kare, vakayambira kuti vaise matombo nekudyara huswa hunobata ivhu hunokurudzirwa nevarimisi.

Related Posts

Hama dzemurume akatsikwa nemotokari akafa dzotsvagwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMasvingo vari kutsvaga hama dzemurume akatsikwa nemotokari akafa uyo ane mutumbi wakachengetwa kumochari yeko. Mutumbi uyu ndewe murume akatsikwa nemotokari mumugwagwa weHarare-Masvingo pachinhambwe…

Nhengo dzemuviri wemunhu dzawanikwa mudumbu regarwe mushure memazuva 22

Rutendo Nyeve NHENGO dzemuviri wemurume akaurayiwa negarwe padhamu reMpopoma, kuMatobo nemusi wa1 Chivabvu dzakazoonekwa dziri mudumbu rengwena iyi mushure mekunge yavhiiwa kwapera mavhiki anodarika matatu. Izvi zvakaziviswa neveZimbabwe Parks and…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×