‘Shirikadzi dzine kodzerowo’

Malven Mugadzikwa
VANHUKADZI — zvikuru shirikadzi — vanokurudzirwa kuti vave neruzivo pamusoro pekodzero dzavo panyaya dzine chekuita nenhaka yezvinhu zvavanenge vashanda pamwe chete nevarume vavo. Kurudziro iyi yakaitwa svondo rapera naMai Bethany Brown veboka reHuman Rights Watch pagungano revanhukadzi rakarongwa nemubatanidzwa wemasangano akasiyana muHarare.

“Shirikadzi zhinji dziri kusangana nematambudziko ekuti dzonyoresa sei zvinhu zvevarume vavo mumazita avo. “Vanhukadzi vazhinji vanoziva kuti vane kodzero yekuwana nhaka dzevarume vavo asi dambudziko riri pakuti vamwe vanombunyikidzwa munharaunda dzavagere, kunyanya nehama dzevarume vavo vanenge vachidawo kudya nhaka yemufi,” vanodaro.

Mai Brown vanoenderera mberi vachiti: “Kuroorwa kwepachivanhu kusina michato kana magwaro mukati ndiko kuri kunyanya kusiya madzimai achimbunyikidzwa. Shirikadzi dzikada kuedza kumira pamberi pematare dzinonzi dziburitse magwaro anoratidza umboo zvinova zvinonetsa.

“Dzimwe shirikadzi zvakare dzikada kuti hama dzevarume vavo dzivamirire mudare dzinoramba nekuti dzinenge dzichidawo kudya nhaka yemufi.”

Mai Brown vanoti shirikadzi, zvikuru dzekumaruwa, dzinotadza kuwana mukana wekuti dziende kumatare edzimhosva kuti nyaya dzavo dzinzwike zvinova zvinopedzisira zvaita kuti vasiyane nazvo.

Mashoko avo anotsinhirwa naVaAmatus Rwazemba vesangano rePensioners Union Trust of Zimbabwe (PUTZ) vachiti shirikadzi dziri kumaruwa dzinoda rutsigiro rwakasimba maererano nekuti dzizive kodzero dzadzo.

“Kumaruwa kazhinji kwakanyanya kuzara nyaya dzeshirikadzi dzinotorerwa minda pamwe chete nezvipfuyo zvavanenge vasiirwa nevarume vavo. Panoda kuti madzimai adzidziswe zvakanyanya panyaya idzi nekuti vamwe vacho vari kutosiya misha yavakavaka nevarume vavo vachitamiswa nehama dzevarume kuti vadzokere kuvabereki vavo,” vanodaro.

Izvi, vanodaro VaRwazemba, zvinowanzoitika kana munhu akaroorwa kudunhu riri kure nekwaakaberekerwa.

“Panodiwa kuvandudzwa kwenzira dzekuti madzimai ave neruzivo rwakakwana maererano nekodzero dzavo mushure mekunge vafirwa nevarume vavo,” vanodaro.

Mukuru wesangano reFemale Prisoners Support Trust, Dr Rita Nyamupinga, vanotiwo pavanhukadzi vari kumajeri akasiyana, vamwe vacho ishirikadzi avo vanopara mhosva pavanenge vachizama kuriritira mhuri dzavo.

“Izvi zvinowanzoitika kana mukadzi adzingwa kumusha kwemurume wake ashaya ava kuda kuedza kuraramisa mhuri yaakasiirwa. Vamwe vakadzi havapare mhosva nekuda asi kuti vanenge vachida kuriritira mhuri dzavanenge vakasiirwa. Panofanira kuva nemushandirapamwe wemasangano akasiyana-siyana mukuderedza matambudziko akaita seaya,” vanodaro.

Mamwe emasangano aive nevamiriri pagungano iri anosanganisira Jekesa Pfungwa, Legal Resources Foundation neMusasa Project.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *