Simudzirai zvidzidzo zvemitambo: Dokora

GURUKOTA redzidzo yepuraimari nesekondari, Dr Lazarus Dokora, vanoti zvidzidzo zvemitambo zvinofanira kukosheswa sezvinoitwa zvimwe zvakaita seMathematics neScience sezvo vamwe vana vachikwanisa kuzowana raramo kubva mazviri mune remangwana.

Vakataura mashoko aya nguva yadarika pamakwikwi egorofu, eEnd of year Rural and High Density School Golf Tournament, ayo akaitirwa kuWarren Hills Golf Club, muHarare.

“Mitambo inofanirwa kukosheswa sezvo iri nzira yekusimudzira matarenda evana vechikoro nekuti vamwe vanozowana chouviri mune remangwa nematarenda aya.

“Mutambo wegorofu hausi wevanogara mutaundi, kwete, ngatisava nerusarura kune avo vanodzidzisa mutambo uyu. Ngatisimudzirei zvikoro zvekumaruva,” vanodaro Dr Dokora .

Vanoti kudzidziswa kwemitambo yakadai zvizere kunoenderanawo nechirongwa chekuvandudza dzidzo munyika. Dr Dokora vanotenda masangano akasiyana ayo anosanganisira Centre for Training and Research Services (Pvt) neMabikacheche Rural and Urban Sports Promotion nekusimudzira kwaari kuita zvidzidzo zvemitambo muzvikoro.

“Ndinoti rambai makadaro nekusimudzira mutambo uyu. Kunyanya kuzvikoro zvekumaruva, vanofanirwa kufambirana nezviri kuitwawo nezvikoro zvemutaundi munyaya dzezvemitambo,” vanodaro.

 

Related Posts

Chikepe chitsva chekutakura vanhu, nhumbi chaparurwa paLake Kariba

Walter Nyamukondiwa MWEDZI unopfuura mumwe chete kubva apo paitika tsaona yechikepe cheMV Rida Mbuya Nehanda iyo yakakonzera kufa kwevanhu makumi mapfumbamwe nevanomwe, chikepe chitsva chotanga kushanda muLake Kariba. Chikepe ichi…

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *