‘STEM kudya kwedu’

St Ignatius yakaenda nemukombe

CHIKORO cheSt Ignatius chakadadisa nekuhwapura mubairo mukuru weMashonaland East Provincial Merit Awards Academic Category munguva pfupi yadarika zvichitevera kukunda kwachakaita zvimwe zvose muzvidzidzo zvesainzi.

Mukuru wechikoro ichi, VaLawrence Madyangove, vanoti vadzidzi vavo vanogonesesa zvidzidzo zvesainzi.

“Chikoro chedu chinonyanya kugona zvidzidzo zveSTEM, uku kudya kwedu. Zvimwe zvakaita kuti tinge tiri patiri nhasi uno ndinoda kutenda vadzidzisi vedu nekushanda vakabatana nekuva nemoyo nebasa,” vanodaro.

Vanoti mibairo yavakawana inosanganisira menduru yegoridhe, iyo yavakapihwa nekuda kwehunyanzvi hwevadzidzisi vavo vanofundisa danho reA-Level pazvidzidzo zvinoti Chemistry, Physics, Literature in English, Mathematics neveO-Level veChemistry, Technical Graphics nePhysics.

VaMadyangove vanoti vadzidzi vavo ishasha zvakare pakugona Shona paO-Level.

“Chidzidzo cheShona chinotibatsira kuchengetedza tsika nemagariro, uye vana vechikoro vanokura vaine hunhu hwakaumbika zvakanaka.

“Pachikoro chedu chidzidzo cheShona vana vari kupasa nechikamu che75%. Tine tarisiro yekupfuura ipapa nekuti kune vana vane matarenda ekunyora zvakaita semabhuku nemadetembo,” vanodaro.

Muhurukuro nevamwe vana vepachikoro ichi avo vakawana mibairo yepaO-Level yegore rapera, avo vave kuita Form 5, vanoti vanofarira zvidzidzo zvesainzi zvikuru sezvo zvichibatsira mubudiriro yeupfumi hwenyika.

Theophilus Muwirimi anoti anoda kuzoita kosi yecivil engineering uyewo Tinashe Chitamba anoda kuzova mutyairi wendege.

Roderick Chiteka anoti anoda kuzova chiremba.

“Kumba kwedu vose vabereki vangu machiremba zvakare nevakoma vangu vatatu navana sisi vaviri machiremba vanorapa zvakasiyana-siyana,” anodaro.

Related Posts

Baba vazvisungirira vaita makunakuna nevanasikana vavo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 50 ekuberekwa wemubhuku raParowa kwaMambo Marange, kwaMutare akawanikwa akafa svondo rapera munyaya inofungirwa kuti akatora upenyu hwake mushure mekunge anetsana nemwanakomana wake uyo aimupomera mhosva…

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *