Abel Ndooka
MURAIRIDZI weHardrock FC — Kelvin Kaindu — anoti chikwata chake chine mukwidza wekukwira mumitambo mina yachasarirwa nayo yeCastle Premiership Soccer League (PSL), apo chakatarisana nekusimudza mukombe uyu mwaka uno.
Svondo radarika, Hardrock yakaenda pamusoro peScottland FC palogo zvichitevera kukunda kwayakaita Bulawayo Chiefs 2-0.
Kune rimwe divi, Scottland (Mabviravira) yakakundwa 1-0 neZPC Kariba, izvo zvakaidzosera kumashure murwendo rwekurwira kuchengetedza mukombe wayo wePSL.
Svondo rino, Hardrock inenge iri muHarare kuzosangana neDynamos FC mumutambo wainofanira kuhwinha kana ichida kuti irambe iri pamusoro pelogo uye igohwinha mukombe wayo wokutanga wePSL.
Hardrock iri kutevera mumatsimba eScottland FC kuti igohwinha mukombe wePSL mumwaka wayo wokutanga ichikwikwidza muligi iyi, izvo zvakaitwa neMabviravira gore radarika.
Achitaura svondo rino, Kaindu akati mitambo yatarisana nechikwata chake yakaoma zvikuru, saka vari kushanda nesimba kuti vagokunda.
“Tave pamusoro pelogo, asi patiri apa hatina kungoerekana tapasvika; kushanda nesimba ndiko kwakaita kuti tipasvike.
“Kwatave kuenda hakuna kuchipa zvachose. Iyezvino hapana chikwata chinoda kurasikirwa nezvibodzwa nokuti zvose zvinenge zvichida kuhwinha. Naizvozvo, isu sechikwata tinofanira kutosunga dzisimbe. Tinofanira kushanda nesimba kuti tikunde,” anodaro.
Hardrock mumitambo yayo mina yasara ichasangana neDynamos FC (DeMbare), MWOS FC, Simba Bhora neFC Platinum.
Pazvikwata zvina izvi, zvitatu zvacho zvinoti DeMbare, Simba Bhora neFC Platinum zvakambohwinha mukombe wePSL kumashure.
Kaindu anoti: “Tichitarisa zvikwata zvatichasangana nazvo pamitambo yedu mina yasara, zvose ndezvepamusoro. Dynamos chikwata chikuru munyika muno uye ndicho chine vatsigiri vakawanda kudarika zvimwe zvose. Simba Bhora neFC Platinum zvakambohwinhawo mukombe wePSL kumashure. MWOS yakapedza iri pechipiri mwaka wadarika.
“Naizvozvo, hapana mutambo unonzi wakachipa, saka ini ndiri kutoudza vakomana vangu kuti ngavadzikame zvavo, vashande nesimba sezvavagara vachiita nokuti tave pedyo nekusvika asi mutambo uchiripo.
“Chokutanga, ngatitambe mutambo wesvondo rino, tozoona unotevera kana nguva yacho yasvika,” akadaro Kaindu.
Zvakadaro, Scottland FC svondo rino iri kudzokera kumitambo yeCAF Champions League. Ichasangana nePetro Atletico yekuAngola mumutambo weCAF Champions League Second Preliminary Round, uyo uchatambirwa muno.