Muchaneta Chimuka
MUSHAKABVU Tedious Muchapedza Matsito aive muimbi ane mukurumbira wemusambo wesungura, achishanda pamwe chete nechikwata chake cheNgwenya Brothers.
Aipembedzwa zvikuru nenziyo dzemhando yepamusoro dzakaita se “Gede Mwana Gede” uye “Nyaradzo”. Nanhasi, vamwe vachiri kudziyeuka nziyo idzi
Zvisinei, zvinorwadza nekusuwisa zvikuru kuti muimbi uyu akazorwara kwenguva refu zvichitevera kuoma mitezo yemuviri, izvo zvakaona achidimburwa gumbo, akazoshaya nomusi wa27 Kurume 2019.
Nhasi uno, mwanakomana wake ane tarenda repamusoro, anova zvakare sazita wake, Tedious Muchapedza Junior Matsito (24), achengetedza nhoroondo yekuimba yemumhuri nekutungamira chikwata cheNgwenya Brothers zvine mutsindo.
Matsito Junior akatsikisa dambarefu rake rechitatu rinonzi “Mufandichimuka”, iro rine dzimbo nhanhatu, dzinosanganisira “Akasiyana-siyana”, “Maruva Enyika” uye “Raramo Yangu”.
Akataura kuti akatumidza dambarefu rake musoro wokuti “Mufandichimuka” sezvo ari mushishi yekusandura chikwata chababa vake kuti chirambe chichisimukira.
“Ndakapinda muindasitiri yemimhanzi mugore ra2020 mushure mekufa kwababa vangu. Dambarefu ‘Mufandichimuka’ richaparurwa munguva pfupi iri kutevera, uye ndiri kuvimbisa vatsigiri vangu mutakunanzva chaiwo. Hongu, mufandichimuka unozivikanwa zvikuru semuti wechivanhu unodyarwa kumakuva kuti mweya yevafi inge ichimuka asi kwandiri ndaida kududza kuti zvisinei nokuti baba vangu vakashaya, mimhanzi yavo nebhendi ravo hazvifi zvakaparara.
“Ndinoshanda zvakanaka nechikwata chakasara, ndichetevera kumashure kwevakuru vagara varipo nokuti hatipo pakurwisana kana kurwira zvigaro asi kubata pamwe kuti basa redu ribudirire,” anodaro.
Matsito anoti akadzidza kuti mabhendi akawanda akaparara nokuda kwekurwira ukuru uye kusagovana kwakaringana kwemari dzinenge dzashandwa, nokudaro ndizvo zvimwe zvezvinhu zvavari kuedza kunzvenga.
“Mukambo kangu kanonzi ‘Akasiyana-siyana’, ndiri kuedza kuburitsa pachena kuti muupenyu vanhu vanosangana nezvinhu zvakatsaukana-tsaukana zvinofadza nezvinosuwisa asi chakakosha kugamuchira zvose kuti raramo ienderere mberi,” anodaro.
Anoti, sevaimbi vechidiki, vari kuedzawo kufambirana neruzivo rwechizvinozvino rweindaneti mukuona kuti mimhanzi yavo yasvika kune voruzhinji.
“Tiri kubura mari yakawanda nemimhanzi inenge iri padandemutande. Apfuura mazuva ataishandisa madhisiki kuisa mimhanzi yedu, totengesa. Izvo zvakanga zvichiwedzera dambudziko rekubiwa kwemimhanzi (piracy). Isu tiri kushandisa YouTube, Facebook, Instagram uye Twitter kutengesa mimhanzi yedu, uye zvakanaka nokuti tinogona kuyera kubudirira kana kukundikana kwedu kuburikidza nemaonero evoruzhinji apo vanotumira pfungwa dzavo pamusoro pebasa redu.
“Kunyangwe tikashoropodzwa, tinozvigamuchira nokuti ndizvo zvinotivaka kuti tigadzirise mhosho dzedu nenguva. Pamwewo tinoita mashoo anounganidza vanhu mumatunhu akasiyana-siyana,” anowedzera.
Akati, zvisinei, dzimwe nzvimbo dzichine matambudziko ekushaikwa kwemasaisai uye voruzhinji vanochema nekudhurirwa nedata, izvo zvinoitawo kuti mimhanzi yepadandemutanda inzwikwe nevashoma.
Mamwe madambarefu ake maviri aakatsikisa anoti “Mandipa Mukana” na“Chinokura Chinokotama”.
Tarisiro yake ndeyekuve nenziyo dzakawanda dzinopinda mumisika yemuno nemuSouthern African Development Community (SADC).
MuZimbabwe mune vaimbi vakawanda vakatisiya asi mimhanzi yavo haina kufa navo sezvo vana vavo vakasarudza kuimutsiridza zvichitofamba.
Somuenzaniso, vana vemuimbi aive nemukurumbira Leonard “Musoro Wenyoka” Kwangwari Dembo vanoti Tendai, Fenistia neMorgan vari kuvavarira kusvika pakasvikwa nababa vavo.
Oliver Mtukudzi akashaya mugore ra2019, asi vanasikana vake Selmor naSandra vachiri kurovera bhora kumberi munhau dzekuimba musambo weAfro-jazz.
Selmor akabura madambarefu anotevera: “Shungu” (2008), “Ndinewe” (2012), “Expressions” (2013) uye “Dehwe ReNzou” (2020).
Nguva zhinji, paanoenda pasiteji, anoimba dzimbo dzababa vake, kunyanya “Tozeza Baba”.
Mushakabvu Simon “Chopper” Chimbetu akatsiviwa nevanakomana vake, kusanganisira Suluman Chimbetu, avo vari kufambira mberi nechikwata cheOrchestra Dendera Kings mushure mekushaya kwake mugore ra2005.
Tongai “Dewa” Moyo akatsiviwa nevanakomana vake muchikwata cheUtakataka Express, vanosanganisira Peter Moyo.
Tongai Moyo akashaya mumwedzi waGumiguru 2011.
Pavana vevaimbi ava, vamwe vari kubatirana zvakanaka mukusimudzira nhoroondo dzevabereki vavo, asi mune dzimwe mhuri muchine makakatanwa, zvikuru munyaya dzekurwira ukuru, zvichizoona vamwe vachigumisira vapatsanurana vachinoumba zvimwe zvikwata zvine mazita matsva.