Muchaneta Chimuka
BAZI redzidzo yepuraimari nesekondari riri kudyidzana nemasangano akazvimiririra anosanganisira Education Coalition of Zimbabwe (ECOZI) neSightsavers uye nhengo dzeParamende muhurongwa hwokuti vakaremara vange vachiwaniswa dzidzo yakaenzana neiri kuwanikwa nevasina uye kuti vadzidze muzvikoro zvimwe chete.
Vachitaura pamusangano wakaitirwa muHarare nguva pfupi yadarika, VaCosmas Machimbidza, vanove education research officer (visual impairment) mubazi redzidzo yepuraimari nesekondari, vanoti kuwaniswa kwedzidzo kuvanhu vakaremara hakufaniri kutorwa senzira yekuvanzwira tsitsi asi kuti kutorwe sekodzero yavo.
“Vanhu vakaremara vakakomberedzwa nematambudziko gumi nefararira muraramo yavo, zvikuru sei panhau yekuwana dzidzo.
“Dzidzo ndiyo bedzi hwaro hwokuti vayambuke kubva kumatambudziko akadai sekuitiswa pamuviri pasina kurongeka, kutambura zvokuti vakawanda vanowanikwa vari kutengesa mumisika yevamwe, vanoshaya magwaro ekuzvarwa chaiwo nokuda kwevabereki vanenge vachinyara kubuda pachena kuti vane vana vakaremara. Dzidzo ikodzero yemunhu wose nokuti ndiyo inoumba hwaro hwebudiriro yenyika uye kubatana,” vanodaro.
Vanoti kodzero yekuwaniswa kwedzidzo kumunhu wose iri mubumbiro remutemo wenyika yeZimbabwe uye zvinoda kuti pave nehurongwa hwakasimba mukuwaniswa kwezvekushandisa uye kutsigira vadzidzi nevarairidzi mubasa iri.
VaMachimbidza vanoti gwaro rekuwaniswa kwedzidzo kumwana wose riri kuKabineti, uko rakamirira kuzadzikiswa.
“Ticharamba tichiita tevedzo kuti tione mafambisirwo egwaro iri, tichiona kuti vadzidzi vakaremara vawaniswa zvekushandisa zvakadai seBraille, mawiricheya, zvimiti zvekufambisa, midziyo nezvivakwa zvinoenderana navo. Bhajeti yenyika inofanira kutarisawo izvi nokuti zvinhu zvinoshandiswa nemudzidzi akaremara zvakawanda kupinda asina,” vanodaro.
Vakachema-chema nekushomeka kwevarairidzi vakafundira basa rekudzidzisa vakaremara, vachiti chimiro chakadai chiri kudzorera dzidzo kumashure.
Vakatenda masangano akadai seUNICEF neBuild Initiative mukusimudzira vadzidzi vakaremara nezvikwanisiro.
“Panhau yezvivakwa, pachine dambudziko guru apo zvikoro zvine chikamu chiri pasi pe20 percent bedzi zviri izvo zvine zvimbuzi zvinokwanisa kushandiswa nevadzidzi vakaremara.
“Zvikoro zviri kumaruwa ndizvo zviri panyatwa yakanyanya. Vadzidzi vakaremara vari kuomerwa nekufamba nzendo ndefu kuenda kuzvikoro. Nokudaro, chitsvambe chiripo ndechokuti patorwe matanho ekuvakwa kwezvikoro zvakawanda zvinenge zviri pedyo nemisha yevanhu,” vanodaro.
Vakati Hurumende iri kuita zvirongwa mumatunhu akasiyana-siyana, ichiongorora matambudziko akakomberedza vadzidzi kuitira kuti patorwe matanho ekuagadzirisa.
“Pasi peStatutory Instrument 13 ya2025, Hurumende inorambidza kushaiswa kwekodzero yedzidzo kune vakaremara, vakazvitakura, vasina kubhadhara mari yechikoro kana kuti vasina magwaro ekuzvarwa. Kana tichiti kodzero yedzidzo kumwana wose, tinoreva kuti munhu wose, pasina kutarisa kwaanobva, kuremara kwake kana rudzi rwake, anotofanira kuwana dzidzo pasina tsvete,” vanodaro.
Vanowedzera vachiti muzvikoro munofanirwa kunge muine chengetedzo, magwaro anofambirana nedzidzo, zvivakwa, hutungamiriri, midziyo yekushandisa pakudzidza, utano nekudya kunovaka muviri.
Vanoti zvikoro zvinofanira kuva panzvimbo ine mvura yakachena kuitira utsanana.
Kuti zvose izvi zvivepo, vanodaro, panofanirwa kuva nehomwe yakangomirira mabasa edzidzo.
Senator Annah Shiri, avo vari kuchikamu chinomirira vanhu vakaremara, vanoti Zimbabwe yakadzika mutemo mutsva wePersons with Disability Act kuti unge uchifambirana nezviri mumagwaro eUnited Nations Convention on the Rights of Persons with Disabilities (UNCRPD).
“Mutemo uyu uripo mukuona kuti vanhu vakaremara vawaniswa kodzero yedzidzo uye, sePararemende, ticharamba tichitsigira zvirongwa zvevakaremara kuti vatariswe muzvikamu zvose zvine chokuita nebudiriro yenyika uye raramo yavo. Tinoda varairidzi vakawanda vanogona kufundisa vana vakaremara nenzira dzakasiyana-siyana,” vanodaro.
Senator Shiri vanoti huwandu hwevanhu vakaremara vari kuwana dzidzo huchakaderera, zvichibva muongororo yakaitwa.
“Chikamu che10 percent bedzi chevana vari muZimbabwe ndicho chevana vakaremara vari kuwana dzidzo, kana tichienzanisa nechikamu che90 percent chevasina kuremara.
“Dzidzo ndiyo bedzi inosunungura vanhu kuti vazokwanise kuzviraramira pasina rutsigiro rwevamwe. Vana vakaremara vakawaniswa dzidzo nemabasa vanowanikwa vasingachatorwi semitoro munharaunda uye zvinoderedza nyaya dzerusarura,” vanodaro.
VaElvis Chitsungo, vanova director wesangano reECOZI, vanoti kuwaniswa kwedzidzo kumunhu wose chitsidzo chakakura chenyika, chinobatsira mukusimudzirwa kwenyaya dzeupfumi hwenyika.
“Tine chivimbo chokuti mutemo wenyika uri maringe nedzidzo ukashandiswa nemazvo tinoona shanduko huru kubva kuvadzidzi, varairidzi, zvikoro nenharaunda,” vanodaro.
Zvakadaro, Ambuya Loveness Kamwendo (67), avo vanogara mudenga, mudzimba dzemudurikidzwa dzekuMatapi, kuMbare, ndemumwe wevanochengeta vanhu vakaremara vakaburitsa pachena nhuna dzavo.
“Ndakarasikirwa nemurume wangu, uyo akanga ave kurwara nedementia mushure mekushungurudzika apo ndakabara mwana akaremara.
“Vanachiremba vakati baba vakanyanya kufungisisa, vakabatikana, ndokugumisira pfungwa dzavo dzisisaiti zvakanaka, apo tsinga dzemusoro dzakasvika pakudambuka. Baba vakasvika pakusiya basa neurwere uhwu.
“Takazoshamisika tofonerwa zvichinzi vanwa muchetura, vakafa. Sokunonzi izvi zvainge zvisina kukwana, ndakabva ndarasikirwa zvakare nemwanasikana wangu, uyo ainge awanikwa aine chirwere cheitsvo, saka kutaura kuno ndangosara nevanakomana vaviri.
“Mumwe akaremara mitezo, aine cerebral palsy, neumwe ari kurasika njere nokuda kwekutora zvinodhaka. Vasikana vaviri ndivo vakaroorwa,” vanodaro.
Ambuya Kamwendo vanoti vanogara mukamuri imwe chete, vose vachiraramo.
“Kamuri yemba yatinogara ndiyo imba yekurara, yekubikira, chimbuzi, zvose. Mwanakomana wangu wandakabara muna 1981 ndiye ane cerebral palsy, kureva kuti muuropi hwake hapana chaanogona kuzvifungira kana kuita.
“Takamboedza kuenda naye kuchikoro asi vakati dzokerai naye kumba nokuti munhu anongoda kurerwa nemubereki; haana dzidzo inofambirana naye, saka haagoni kuverenga kana kunyora.
“Ndini ndinomuveura bvudzi rake rose kubvira pandebvu, musoro, kusvika kunyangwe kunhengo yakavandika nokuti akangofanana nemwana.
“Pakuzvibatsira anongoitira mubhagidhi, tichinorasa, saka ndinochema kuti magariro atakaita haana kururama nokuti zvose zviri kuitirwa mukamuri imwe chete yemba. Dai ndawana rutsigiro rwesitendi, ndainovaka, ndogara zvakasununguka nevana vangu,” vanodaro.
Vanoti, semunhu anochengeta vana vakaremara, vanosemwa uye kutukwa munharaunda yavanogara.
“Mbare inzvimbo inogara vanhu vakawanda, saka vamwe vanosema kuona mwana wangu achirwera rute, vamwe vanomurova kana kumubaya nezvigunwe, vachida kuona kuti ichokwadi here kuti haagoni kutaura.
“Sevabereki vanochengeta vana vakaremara, tiri panguva yakaoma. Kana dzimwe nzendo handitoendi nokuti ndinenge ndisina wekusiira mwana wangu uye handina mari yokuti
ndive nemusevenzi anondibatsira basa.
“Ndinotomusimudza kuenda naye kunogeza kana kunomuradzika, zvinova zvakaoma uye zvinondidya mwoyo sechirikadzi kudai,” vanodaro.