Abel Ndooka
CHIKWATA checricket cheZimbabwe A mwedzi unotevera chichatamba necheIreland A mumitambo minomwe inoti yeTest series neyeOne-Day International (ODI) series, iyo ichatambirwa muno.
Mitambo yezvikwata zviviri izvi ichatanga musi wa5 Mbudzi uye inotarisirwa kuzopera musi wa27 Mbudzi.
Ichatora nzvimbo kuHarare Sports Club uye kuTakashinga Cricket Club, iyo iri kuHighfield.
Mitambo yokutanga ichaona Zim A neIreland A zvichitatsurana mumitambo yemazuva mana, yeTest series. Ichatambirwa kuHarare Sports Club.
Mutambo wokutanga weTest series uchavamba musi wa5 Mbudzi, uchizopera musi wa8 Mbudzi.
Wechipiri uchatanga musi wa12 Mbudzi kusvika musi wa15 Mbudzi.
Mitambo yeTest painongopera, zvikwata zviviri izvi zvinobva zvatanga kutatsurana mumitambo yeODI, iyo ichatanga musi wa18 Mbudzi.
Mitambo mitatu yokutanga yeODI ichatambirwa kuTakashinga Cricket Club uye ichatambwa pamazuva anoti 18, 20 na22 Mbudzi. Imwe miviri yacho ichazotambirwa kuHarare Sports Club musi wa25 na27 Mbudzi.
Achitaura muchinyorwa chakabva kuZimbabwe Cricket (ZC), chamangwiza weboka iri Givemore Makoni akati mitambo iyi yakakosha sezvo ichabatsira kusimbisa chikwata chemuno.
“Mitambo iyi yakakosha pakuti idanho guru pakuvaka mhando yecricket yatiri kuda.
“Inopa mikana kune vatambi vari kurwira kuti vagoshevedzwa kuchikwata chevakuru; mukana wekuonekwa vachitamba nezvikwata zvakasiyana-siyana zvepamusoro, uye vozvirakidza kuti vaibva, vachitarisira kuenda mberi.
“Tiri kutarisira kugamuchira Ireland A, tokwikwidza nayo mumitambo iyi, iyo ichange ichivaka vatambi vezvikwata zvose,” akadaro Makoni.