‘Tazogariswa mudhishi’

Muchaneta Chimuka

MUIMBI wemusambo weSungura asingaone, Daniel Gonora (50), anoti chirwere cheCovid-19 chamudzosera kumashure zvikuru sezvo achirarama nekuridza mimhanzi pachaunga chevanhu izvo zvisiri kutenderwa pari zvino.

“Mukuimba kwandinoita ndinorarama nechaunga apo vanhu vanofarira nziyo dzangu vanokanda mari shoma zvichiita kuti ndiwane mari yehupfu hwemhuri. Ndine mudzimai anoona anonzi Vimbai Gonora (37) uye vana vatanhatu vanoti vasikana mapatya avo vane makore 15 ekuberekwa, mumwe musikana mudiki ane makore matatu uye vakomana vatatu vanoti ane makore 17 anova dangwe wandinoridza naye nevamwe vaviri vane makore 11 ne12 okuberekwa. Covid-19 yatiuraira basa zvikuru,” anodaro Gonora.

Pavana ava, vasikana vaviri vanova mapatya ndivo bedzi vari kuenda kuchikoro apo vamwe vose vava kungotevedza matsimba ababa vavo ekuridza muguta reHarare sezvo vasina mari yekuti vadzidze.

“Ndine shuviro yekuti kudai mimhanzi yangu yakurawo, yaita mbiri sevamwe asi zviri kuramba. Zvichida kushaya shambadzo sezvinoita vaimbi vane mukurumbira.

“Ndakakwanisa kutirena vana vangu vakomana vanoti Pround, Promise naIsaac kuimba nekuridza magitare uye madhiramu saka zviri kufamba. Dambudziko bedzi nderekuti pakunakidza kunoita nziyo dzangu, chaunga chinoyerekana chawanda kudarika zvakatarwa neHurumende.

“Saka tinopedzisira tamiswa nemapurisa kana kuti vamwe vanhu vanenge vachifanira kundikandira mari vanogumisira vatandaniswa,” anodaro Gonora.

Muimbi uyu ari kuchema-chema zvakare nekushaya rutsigiro rwemari uye zvinomukwanira mubasa rake.

“Ndinotenda zvikuru veruzhinji avo vanoramba vachititsigira. Ndatova nemakore anosvika gumi nemaviri ndichiridza mumigwagwa uye ndine mibairo mikuru yandakawana kuburikidza nekuimba.

“Sevaimbi, tinoramba tichikurudzira veruzhinji kuti vapfeke mamasiki avo nemazvo uye kuregedza kuungana kuitira kuti chirwere cheCovid-19 chiderere, ndiko kuti mabasa edu neemunhu wese afambe zvakanaka. Hatichada zvekupinda muimwe lockdown nekuti takatamba nhova nenzara.”

Dzimwe dzenziyo dzakaburwa naGonora dzinosanganisira Shoko Harivhikwe naWawacha.

Vangada kubatsira Gonora vanomubata panhare dzinoti +263 776121268 dzinova dzeEcocash uye dziri paWhatsApp.

Vimbai Gonora anoti anodada nemurume wake uye vanoda rutsigiro rwakasimba kuti vapunduke.

“Murume wangu ndinodada naye, ndinomuperekedza paanouya kuzoimba uye vana vedu vanomutsigira. Dambudziko rekushaikwa kwemari ndiro riri kuita kuti vamwe vana vedu vatatu vasaenda kuchikoro uye chekudya chaicho idambudziko,” anodaro.

Related Posts

Hadebe ovimbisa kuita zvinorova mumwaka mutsva weMLS

Blessing Malinganiza MUTAMBI wekumashure wechikwata chenyika chemaWarriors, Teenage Hadebe, anoti ari kutarisira kuratidza unyanzvi hunoendeka mumwaka mutsva weMajor League Soccer (MLS), uwo wakatanga pakupera kwesvondo radarika. Mutambi uyu, uyo ane…

Chiragwi hapana kwaari kuenda: Jere

Tadious Manyepo MURAIRIDZI weCAPS United, Takesure Chiragwi, haasi kuzodzingwa basa kunyangwe akatadza kuhwinha mukombe weligi mwaka uno. Chibvumirano chekondirakiti yake chinoda kuti chikwata ichi chipedze chiri pakati pezvina zvinenge zviri…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×