Tete munoroya: Muroora

Nyasha Bvudzijena

MUROORA natete vakataurirana mashoko makobvu nematete mudare kubvira pakupumhana huroyi, kusvikirwa nemudzimu, kurwara nepfungwa uye kusagona kushandisa chimbuzi zvakanaka.

Vanessa Chagumba ndiye akamhan’arira muroora wake Jennifer Namasoka kuHarare Civil Court.Mutongi Tafadzwa Miti akapa Chagumba gwaro rinomuchengetedza.

Chagumba anoti haachadi kuona Namasoka achisvika pamusha pevabereki vake nekuti akamupumha huroyi .

“Ishe, ndinoda dare riite kuti muroora uyu abve pamba pedu sezvo akarambwa makore manomwe apfuura uye ari kuti ndini ndakauraya mbuya vangu, mwana wehanzvadzi yangu nemuroja wepamba pedu,” anodaro Chigumba.

Anoenderera mberi achiti, “Imba iyi ndeyevabereki vangu saka hazvigone kuti nditadze kugara murugare nekuda kwemutorwa uyu. Ane pamuromo zvekuti kana hanzvadzi yangu akatotadza kugarisana naye.”

Namasoka anopokana nezvose zviri kutaurwa achiti manyepo.

“Musavatevedzere tete vangu ava nekuti murwere. Vari kutorapwa kutaura kuno uye vane mudzimu unotaura pavari, ndiwo wakatizivisa kuti ndivo vakauraya vanhu ava,” anodaro Namasoka.

Anoti maitiro aChagumba ndiwo anoratidza kuti njere dzake dzakakanganisika nekuti haagone kusiya adira mvura paanopedza kushandisa chimbuzi sezvo achingosiya zvakadaro.

Related Posts

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Mudzimai ane mapatya, akatsva nemafuta otsvaga rubatsiro

Muchaneta Chimuka MUDZIMAI wekuManyame Park, kuChitungwiza, uyo akawirwa netsaona yekutsva nemafuta ainge ari pamoto panguva yekubika uye ane mapatya ane mwedzi miviri yekuberekwa, otsvaga rubatsiro rwemishonga yekurapwa pamwe nemukaka wemumagaba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×