TICHA ANE CHIPO

Muchaneta Chimuka
MUDZIMAI asingaone — uyo anove mukuru wechikoro cheMushandike High, kuBuchwa, kuMberengwa — ari kuita zvinorova kuburikidza nekudzidzisa vana veA-Level avo vanoona.

Mai Roseweter Alice Mudarikwa vanofundisa vana veA-Level vari kuita zvidzidzo zveCommunication Skills.

“Ndakatanga ndichifundisa vana, asi ndikazokwidziridzwa kuve mukuru wechikoro uye ndinofara zvikuru kuti ndinoshanda nevamwe vanhu vanoona. Ndakaita dzidzo yangu muzvikoroo zvevanoona saka zvakandipa shungu dzekuti ndingoitawo semunhu anoona mune uye ndinofara kuti ndakawana mikana yekufamba kunyika dzakawanda nekuda kwechipo chiri mandiri chekugona kutaura pane veruzhinji maringe nenyaya dzinobata upenyu, zvikuru hwevakaremara,” vanodaro. Vanoti mumhuri mavo ndivo bedzi vanorarama nehupofu.

“Ndakakwanisa kutaura pamisangano mikuru seyeUnited Nations (UN) neAfrican Union (AU). Ndiri sachigaro wesangano reNetwork of African Women with Disabilities (NAWWD).

“Kupinda mumisangano yakasiyana nekupihwa zvigaro zvepamusoro kwakandisimudzira chipo changu. Ndine dhigirii reBachelor of Arts randakaita neUniversity of Zimbabwe, neDiploma in Special Education, ndikaita zvakare kosi yeSenior Management neUniversity of Pretoria, kuSouth Africa kuchizoti Masters in Development Studies neWomen’s University in Africa,” vanodaro.

Mai Mudarikwa vanoti vana vavanofundisa vanovaterera zvisinei nekuti havaoni.

“Vana vandinofundisa ndinotoona kuti vanopasa vose, hapana anondidherera uye ndinotenda Hurumende nekuti inotipa vabatsiri asi kazhinji kacho vanotobatsira pakumaka basa nekuti zvizhinji ndinoita ndega. Kunyangwe mubatsiri asipo, handiomerwi sezvo ndichingoita basa semazuva ose. Ndingatoda bedzi kubatsirwa mukuisa basa rangu mukombiyuta asi ndinenge ndatorirova ndega,” vanodaro.

Vanotenda zvikoro zvepamusoro zvavakafunda pamwe nemisangano yavaipinda yemuno nekune dzimwe nyika iyo yakaita kuti vave nehunyanzvi hwepamusoro.

“Handingati chipo ichi ndechekuzvarwa nacho, asi kuti ndakafunda muzvikoro zvine hunyanzvi uye ndakawaniswa mikana yekutaura pamberi pechaunga pamisangano mikuru zvinova zvaibatsira mukuumbiridza chipo changu.

Related Posts

 Mabhurugwa evanhukadzi otsakatika akayanikwa pawaya . . . vamwe votevera kasingagumi

Kingstone Mapupu MAMWE madzimai ekuBudiriro 2, muHarare vogara vaine kutya kukuru zvichitevera kushaya kwavari kuita zvipfeko zvavo zvemukati apo vamwe vacho vanozoguma vava kurwara vachitevera kasingagumi.   Zvipfeko zvemukati zvemadzimai…

Sulu opemberera bhavhadhe mwoyo usina kugadzikana

Trust Khosa-Zimpapers SHASHA yemusambo weDendera, Suluman Chimbetu, anoti ari kupemberera kusvitsa makore 44 okuberekwa panguva iyo mwoyo wake wakaremerwa zvakanyanya. Mubatsiri wemabasa etsitsi, chipangamazo uye shasha yekusimudzira vamwe vaimbi, Sulu…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×