‘Tichawanza magetsi kumaruwa’

Muchaneta Chimuka
HURUMENDE yakazvipira kuzadzikisa zvirongwa zvayo zvekusimudzira kumaruwa kuburikidza nekuvawanisa zvinodiwa semagetsi paine donzvo rekuvandudza upenyu hwevagari veko. Vachitaura pazuva rekuparurwa kwechirongwa chekuiswa magetsi, cheRupange-Chigono, kwaMurehwa munguva pfupi yadarika, munyori mukuru mubazi rezvemhando dzemoto nekusimudzirwa kwadzo, VaPartson Mbiriri, vakati Hurumende iri kutsvaga mari yekusimudzira zvirongwa zvemagetsi kumaruwa.

“Kuwaniswa kwemagetsi akakwana Zimbabwe yose ndicho chimwe chezvinangwa zveHurumende zvekusimudzira nyika neraramo yevanhu zvichienderana nechirongwa chekuvandudza upfumi hwenyika, cheZim-Asset. Bazi redu richaona kuti vanhu vemunyika muno vawaniswa magetsi akakwana nemari yakaderera,” vakadaro Eng Mbiriri.

Vanoti zvakakosha kuti vanhu vange vachishandisa dzimwe nzira dzakadai sesimba remoto wezuva kana biogas, zvikuru kumaruwa, nekuti dziri nyore kushandisa pasina kuburitsa mari yakawanda.

Eng Mbiriri vanoti homwe yeRural Electrification Fund (REF) yakatotangisa kusevenzeswa pachirongwa chekushandisa simba remoto wemagetsi anobva muzuva nebiogas muzvikoro nemuzvipatara.

“Pasi pechirongwa cheREF, takatotangisa mabhindauko ekushandisa simba remoto rinobva muzuva nemundove. Takatoisa mamwe masolar muzvikoro zviri kumaruwa nemuzvipatara. Takaisa zvekare mabiogas 13 uye mamwe 28 ari kupedziswa kugadzirwa munzvimbo dzakasiyana,” vakadaro. Vakaenderera mberi vachiti vane chivimbo chekuti kana kumaruwa kukange kwave nemagetsi zvinozobatsirawo vagari veko kuti vaite mabhindauko anovapa chouviri.

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×