Tiri panjodzi: Roki

Kingstone Mapupu

MUIMBI ane mukurumbira mumusambo weUrban Grooves, Rockford “Roki” Josphat, akabura dambarefu idzva rine nziyo dziri pamusoro pekudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19.

Roki (30) akatsikisa dambarefu rinonzi “Zvichida Kune Nhamo” iro rine nziyo shanu.

Muimbi uyu anoti chirwere cheCovid-19 chazengeza pasi rose nekudaro anoona zvakakodzera kuti aburitse dambarefu rekupa chenjedzo kune veruzhinji nezvedenda iri.

“Munhu wose ari munjodzi yekubatwa nechirwere ichi, kunyanya isu vaimbi nekuti tinosangana nevanhu vakawanda mubasa redu. Saka dambarefu iri rinodzidzisa veruzhinji kuti chirwere ichi tinacho, hachina kupera nekudaro ngatichengetedzei mitemo yatinonzi neveutano titevedze,” anodaro Roki.

Anoenderera mberi achiti, “Mudambarefu rangu idzva iri, munziyo dzose ndinotsanangura kuipa kwakaita chirwere cheCovid-19 nekufa kuri kuita vanhu. Ndinopa dzidziso yekuti kana kwaitika nhamo vanhu havafanirwe kukurumidza kumhanya vasina zvakakwana zvekuzvidzivirira zvakaita sekupfeka mamasiki uye kuti kunhamo ikoko vogara vakatarangana uye paine mvura yekugeza maoko inochururuka.”

Anoti denda iri radzosera vaimbi kumashure zvakanyanya sezvo pari zvino kuita mashoo kusiri kutenderwa.

“Chirwere cheCovid-19 chatikanganisa zvikuru isu vaimbi. Ndine rwendo rwangu rwandinoda kuenda kunze kwenyika kunobatanidza dambarefu rangu randiri kupedzisa kuti ndinoridza nevaimbi veRumba asi zvose izvi zvabatwa neCovid-19.

“Dambarafeu iri richange riine nziyo dzekurwisa Covid-19 idzo dzatichaimba nendimi dzakasiyana kuti mashoko edu asvike kuvanhu vakawanda.”

Roki anoti anotsigirawo vaimbi vachiri kusimukira.

“Mumwe wevaimbi vandakabatsira ndiTaurai Mandebvu uyo wandakatsikisa naye dambarefu rake,” anodaro Roki.

Related Posts

Hadebe ovimbisa kuita zvinorova mumwaka mutsva weMLS

Blessing Malinganiza MUTAMBI wekumashure wechikwata chenyika chemaWarriors, Teenage Hadebe, anoti ari kutarisira kuratidza unyanzvi hunoendeka mumwaka mutsva weMajor League Soccer (MLS), uwo wakatanga pakupera kwesvondo radarika. Mutambi uyu, uyo ane…

Chiragwi hapana kwaari kuenda: Jere

Tadious Manyepo MURAIRIDZI weCAPS United, Takesure Chiragwi, haasi kuzodzingwa basa kunyangwe akatadza kuhwinha mukombe weligi mwaka uno. Chibvumirano chekondirakiti yake chinoda kuti chikwata ichi chipedze chiri pakati pezvina zvinenge zviri…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×