Under 20 Youths Games otanga

ACHANGE ari makuwerere kuBulawayo svondo rino kutanga nemusi waZvita 4 kusvika 11 apo panenge pachiitwa mitambo yeAfrican Region Zone V Under-20 Youths Games.

Chikwata cheTeam Zimbabwe chiri kutarisirwa kusimudza mureza wenyika apo chichakwikwidza kumitambo iyi.

Mukushi wemashoko weTeam Zimbabwe, Tonderai Vinyu, anoti ino inguva yekuti nyika yose ibatane mukutsigira chikwata ichi.

Vinyu anoti chikwata chavo chakagadzirira zvakasimba uye parizvino changomirira kurwa semvumba kuti chigokunde mumitambo iyi.

“Chazobvondoka manje, mutambo watange takamirira wazosvika.

“Gore rino nderedu, tiri kuda chaizvo kuhwina uye tinovimbisa kuti tichahwina kunyangwe zviite sei.

“Gadziriro dzatange tichiita dzange dzakasimba uye chikwata chedu chakazvipira kurwa zvakasimba kuti tihwine menduru dzakawanda,” akadaro Vinyu.

Zvakadaro, Vinyu anoti kuBulawayo kune chikwata chevarairidzi icho chiri kukurukura nevatambi vechikwata cheTeam Zimbabwe chichivadzidzisa nzira dzakanaka dzekuzvibata.

“Tine varairidzi vatinavo avo vane basa rekumbogara pasi vachirayira vatambi vedu sezvo zvamunongoona vachiri vana.

“Zvakakosha chaizvo kuti tipote tichigara navo pasi nekuti pane dzimwe nguva pakaita seapa ndipo panobuda nyaya dzevana vanobatwa vachishinha,” akadaro Vinyu.

Parizvino zvikwata zvekuBotswana, South Africa, Angola neZambia ndizvo zvakasvika munyika kuzokwikwidza kumitambo iyi.

Zvikwata izvi zvichakwikwidza mumitambo yakaita sebhora, basketball, netball, tsiva pamwe nemijaho yekumhanya.

 

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×