Unoziva sei kuti igomarara?

MUBVUNZO: Kuvanhukadzi kune gomarara rechibereko kana rezamu, kuvarume kune gomarara re“prostate gland”. Magomarara aya anokonzerwa nei uye unozviona sei, unonzwei kuti wave negomarara? Chirwere ichi chinorapika here uye sei?

MINDURO:

Chekutanga, gomarara rinodaidzwa nezita zvichienderana nepanhengo yemuviri parinenge ramera. Asi mavambiro egomarara nemamerero aro akangoda kufanana. Chinosiyana inzvimbo yarinenge ramera. Mamerero nemakuvadziro kana marwadzo acho mamwe chete.

PachiRungu vanoti gomarara rinokonzerwa ne“human paliloma virus”.  Pamwe pacho rinonziwo rinokonzereswa nezvisingazivikanwe. Muchivanhu rinonzi nhuta, chirwere chenhuta.

Saka pachivanhu matangiro egomarara vanoti zvinobva kumweya yakaipa. Gomarara rinofananidzwa nezvitsinga kana zvipotswa zvinobaya chibereko, mabhonzo, mudundira (bladder) revarume kana muzamu.

Zvimwe zvezviratidzo zvegomarara kuvanhukadzi vanoburitsa mvura inonhuhwa uye yakakora, imwe inenge yakasangana nehurwa kana ropa, pazasi peguvu pachirwadza. Kana riri zamu, unotanga kunzwa kurwadziwa muzamu iroro, ukabata bata unonzwa kabundu mukati mezamu. Zamu rinozotanga kuzvimba rokura kudarika rimwe racho.

Munhu akanonoka kubatsirwa, zamu rinoita serine zimota kusvika raputika kuita zironda.

Kuvarume, prostate cancer inotanga nekuburitsa weti shoma uye kana mudundira mukazare weti rinotange kurwadza. Weti inosvika pakutadza kubuda zvachose, marwadzo obva awandisa.

Gomarara rinoda kukasikirwa kuendwa naro kuchipatara kune machiremba akadzidzira basa uye kana ratekeshera, marwadzo acho anoguma asisanyaradzwe kana nemapiritsi kana majekiseni. Hazvina basa kuti gomarara iri rabata papi, ukanonoke kubatsirwa muviri wose unokanganisika. 

Saka zvinokurudzirwa kuti kana munhu angofungira kuti ane gomarara bedzi, ngaaende kuchipatara nekukasika. Pamusoro pezvo, kuzvipatara nekumakiriniki kune nyanzvi dzinogona kuona kuti murwere ane gomarara here kana kuti kwete apo rinenge risati radzika midzi. Saka endai munoongororwa ripi zvaro gomarara.

 . Bvunza Kwayedza pa 0714 200 007 kana  0775421949 kana 0715 942 183.

Related Posts

Hadebe ovimbisa kuita zvinorova mumwaka mutsva weMLS

Blessing Malinganiza MUTAMBI wekumashure wechikwata chenyika chemaWarriors, Teenage Hadebe, anoti ari kutarisira kuratidza unyanzvi hunoendeka mumwaka mutsva weMajor League Soccer (MLS), uwo wakatanga pakupera kwesvondo radarika. Mutambi uyu, uyo ane…

Chiragwi hapana kwaari kuenda: Jere

Tadious Manyepo MURAIRIDZI weCAPS United, Takesure Chiragwi, haasi kuzodzingwa basa kunyangwe akatadza kuhwinha mukombe weligi mwaka uno. Chibvumirano chekondirakiti yake chinoda kuti chikwata ichi chipedze chiri pakati pezvina zvinenge zviri…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×