Us$143 miriyoni yekurwisa hiv neaids

ZIMBABWE nguva pfupi yadarika yakapihwa rubatsiro rweUS$143 miriyoni yekurwisa kupararira kweHIV neAIDS kubva kusangano reUnited Nations Development Programme (UNDP) rakabatana nereGlobal Fund.

Gurukota rezveutano nekurerwa kwevana, Dr David Parirenyatwa, vakatenda rubatsiro urwu vachiti rwuchayamura zvikuru mukusimbaradza kurwisa kupararira kwedenda iri.

“Senyika tinokodzera kuwana zvakanaka zvinova zvinoonekwa nekuwedzerwa kwemari yatapiwa,” vanodaro Dr Parirenyatwa.

Vanoti mari iyi ichashandiswa kubva mwedzi waNdira kusvika Zvita gore rino mukurwisa kupararira kweHIV neAIDS pamwe nekurapwa kwevarwere vacho. “Kubva makore mashanu adarika, kupararira kweHIV neAIDS kwakaderera nechikamu che15%, uye Zimbabwe iri pachidanho chepamusoro mukuderedza kupararira kwedenda iri kana zvichienzaniswa nedzimwe nyika dzose,” vanodaro Dr Parirenyatwa.

 

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *